Ndizvo here zvataivavarira

Takaifira, nyika ndeyeropa!
Repfuti, zvikara, zvirwere nenzara,
Kutanga ticharohwa nevapambepfumi,
Zvichinzi ndiwe mujibha nachimbwido,
Mupepeti wenhau nemutakuri wesoko,
Mubatsiri wegandanga nemubiki wesadza,
Murairidzi nemupembedzi wehondo,
Kutamba pungwe, morari pasina mabori,
Shamhu yorwadza kusvika tati tinofirei?
Mbune mhiri isu tozviyambukira,
Zvaisave nyore kana nepadiki pose,
Nzizi dzizere makarwe nemasango anorura,
Yonaya dzvotsvotsvo togura matunhu,
Kune mhute’bva todenha muwengi,
Zvirokwazvo, kurarama semakudo!
Kutamanda, kukwira gomo nedumbu,
Wodzika mawere nemagaro,
Kungoti pudzu, ndipo pakaperera sarungano!
Pasina shangu minzwa ndokuti svikai nepano,
Nemupururu matekenya akati hekani waro!
Tsikidzi ne’nda dzichisveta mutakuri ropa,
Iyo nzara ikati huyai tiende!
Mapopo magan’a otizvimbisa miromo,
Mutsvirandoda ndokutipisa rurimi,
Rinonaka datya kana warirunga munyu!
Ukarikanga dzvinyu machikichori,
Mupurwa kwedu tinouti hukurutombo,
Mabara anorema, irwo rwendo rwurefu,
Inoda simba woiridza, pfuti inogwinha!
Zvinotoda vadya chiri chibataura!
Tototenda vabereki nekutichengeta,
Kwemakore musango takararama,
Tasununguka, zvino tave kuzvitonga!
Asi ngatitarirei shure kwechinguvana,
Nyika zvoyoita seyakafira mupengo!
Tokuvarira mukati sebhora rehosho,
Ndizvo here zvataikarira?

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*