Muromo wako

Igaba rako,
Ndiwe mwene waro,
Zvaunoda naro woita,
Kubhwereketa kana kutaura,
Kuvaka kana kuvondomora,
Asi ziva shoko harivhikwi,
Kana rabuda haridzoki,
Munzeve ravaridza bonde,
Zvaunozunguza musoro,
Iwo muromo uchiti hongu,
Ruzhinji rwoziva ripi zano,
Zvausingamharwi nenhunzi,
Watanga haurembi kureketa,
Vanoenda mhiri vanodzoka,
Funga usati washama,
Urege kutsindira mwena,
Uriwo unobuda ishwa,
Wopfugama nemagokora,
Kukumbira ruregerero,
Zvave kumuridzi vedyira,
Kufuga kana kuvaridza,
Zvawabvira kuvhotomoka,
Kutaura zvisina maturo,
Kun’onon’ora zvakaora,
Chisimuka paugere apo,
Enda unovhiya mbudzi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *