Kwedu pasichigare

Zvazvo zvingori kutsi kwehope,
Ndasuwa kwedu pasichigare,
Ndinouya pazororo rino!
Tichafara vakoma navazukuru,
Paye tichirondedzera chinyakare!

Sekuru vagara havana muganhu,
Kunyanyanyanya vachinge vakoriva,
Muromo vavo haumharwi nenhunzi,
Vovhotomoka kune wangu mubvakure,
Kuti ndaiiitirapo dakara gwaro rechina!

Kure kwandinobva, kachana!
Nzira idondo, izere tsine nerukato,
Changamuka, rega kuwarairwa,
Ungaera watsika nzvenzvana,
Ivo mago ngemukuvavo!

Nyika yakanaka iyi weduwe-e,
Idzo shiri, magweture nenjiva,
Rekeni yandinayo mangamanga,
Yebhasikoro yagara chipombo,
Haidonhedzi neChisiisii zvacho!

Hwasho ndizvo, dzinovhara minzwa,
Zvibayamahure zvakati chakata,
Bva ndabvira kare ndichirova tsoka,
Sekunge ndinotamba muchongoyo,
Pakuti ndakuwara nemberewere!

Kupona nekusvika kwandaita,
Pondoti pindikiti mumba yekubikira,
Zvorokosho pachigaramakomucha,
Asika maroto, hapana zororo,
Zvigadziko zvozvimba nezvikodza!

Paye ndoeredzwa nendangariro,
Pamwe ndichawa hombarume,
Pada hurudza yamandorokwati,
Zvose zvopedzwa nenzwi guru,
“Muka ugeze uende kuchikoro!”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*