Kuvhiya mbudzi

Varume, nhasi pano paita zinyaya,
Rakaoma, dare rafukunura zvihombe!
Mudunhu raSabhuku Mazvimbakupa,
Mbudziyadhura akaita chisionekwi!
Potoda kuisa misoro pamwe chete.

Tisati tatanga kana kuvhura muromo,
Iyi nyaya ichatora nguva kuivheya.
Patinopedza, matumbu anenge orira.
Zvino hofori dzemakurukota dzakasvika,
Dzingaseva nederere here pakadai?

Ndaiti zvangu Mundoringisa agere apa,
Semisi yose, anotivhiyira mbudzi kudanga.
Vamwe inorasa yavedzengwa-vedzengwa.
Ndiye ega anozvikwanisa ipo pano, zvese,
Kukakata do-o nekugocha dumburiro.

Zvararova nhongonya, tichada chekunwa.
Risiri reMuuyu bvute, tingadai tokungura,
Kutaura kuno, pasisagariki nekudikitira.
Madii matuma Vacharigaduri vakatendeka,
Vamhanye pamhiri patanzwa ngoma kurira.

Obva atizira, Muzawazi, kunotura soko,
Ndiye anoti de-de-de, kwaSabhuku.
Nekukasika, auye nemuridzi wemhoswa,
Naiye mutadzirwi, tinovada vose pano,
Umwe naumwe amiririre divi rake.

Tatenda mose mauya nekuchimbidza,
Nyaya tamboizeya ichangopinda munzeve,
Tamirira kunzwa kubva kuvaridzi venyaya,
Ngatimbotura befu tichidya remasikati,
Nekupira vadzimu tichitonhodza mwoyo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*