Warima nechisi

Chave chinguva rabuda kumabvazuva,
Zvino rorerekera kurowa nhongonya,
Zvapindirana zuva nemwedzi, wagara,
Watema pasi wamhura Musikavanhu,
Chimotsi, yawe nguva yechisi!

Nhasi mahakurimwe!
Badza wosendeka kupa ruremekedzo,
Gara warega kupinda imo mumunda,
Ungawarairwa wodenha zvakazvigarira,
Ukachibata chakati tende!

Unozvionera pamhuno sefodya,
Wanaiva wega ukarohwa nemheni,
Yechimvuramabwe yokuparadzira musha,
Munda wose wopera nengozha nendongwe,
Ndumure dzoita ndururani misikanzwa!

Kuremekedza tsika dzechivanhu,
Dunhu nenharaunda yatinorarama,
Inguva yematare kutonga dzemwedzi wose,
Madzimai mumapindu kudiridza miriwo,
Pwere dzofaranuka kutamba madiro!

Pachati ruchenje, rikati, jenaguru nemhindo,
Mutumbi kufa, mamwe makumi maviri nemasere,
Kachana kuzombatazve chimwe chimotsi,
Zvachiri chishanu kupera kwesvondo kudai,
Chipembera nemukombe wakazorodza nyama!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *