Rwangu rudo rwakadzama

Rwekutanga ndirwo rudo,
Rwunocheka kudzika zvakadzama,
Rwausingakanganwe kana narini,
Nyangwe kuuyei, kana zvaita sei,
Nekusingaperi, kundida kabisira!

Unoyeuka here kuye kurwizi?
Kwataichera makurwe tose,
Pedze tozorora mubvute remuonde,
Wakazembera pane rangu bendekete,
Mangu muhana uri chirambakusakara!

Zvino wavanana neshoroma mubvakure,
Hupfumi woita zvekukava negumbo,
Asi zvasvika panguva iya yerudo,
Ndangariro dzoita musengwa neni,
Nekuti ndakakusiira chikokoko changu!

Kudoedza kumupfekedza uya mucheka,
Mutema, wandaiti ndikati pfe-e,
Hana yako yodandangura ngoma nerudo,
Ngaatsvage zvimwe pakuti hazvifanani,
Haasiri ini, chituru chamambo hachigarwi!

Kufunga wochimbidza isati yakora muto,
Sekuti wavanikidzwa uchinyemwerera,
Wongoti bedzi pfungwa dzaive kure,
Nguva ndichigwedere, yaenda haidzoki,
Asi mudzako ndangariro ndiri wemo seman’a!

Kudoenda kuya kumatongo kwatakasangana,
Worindira, kucheuka uchiti pada ndichati nzve-e,
Kana iya nziyo yataiti ndeyedu,
Manzwi ayo zvino haicharevi chinhu,
Kuiterera yongokuyeuchidza ini.

Hapadiwe manzwi apa!
Une mhuri inokosha chose muupenyu hwako,
Asi hazvinei nerudo izvi,
Rwako vakasiira ini zambiringa munyemba,
Zvinozivikanwa bedzi nehana yako!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*