Kusiri kufa ndekupi

Ndiye muwakidzani wandinofungira,
Kuti akaba mbudzi yangu iya chena,
Pandakaishaya akabika zvinonhuhwira,
Kwaturai chaizvo musadzore tsvimbo,
Kusvika asiya nyemba, kufuga rake ega.

Ngatibvute yavo minda minyoro,
Iyo yakapfuma inovapa raramo,
Kana ichinge yaruma vachadzoka zvavo,
Tovapa riya basa remumba yekubikira,
Vachipona nokudya mafufu segonzo.

Bata muroyi wapedza nhiyo dzavahosi,
Kwake kumusha kunozivikanwa nengozi,
Musanyengerera makudo neanokamhina,
Sasikei pamoto pashaye donwe reropa,
Dakara wake mweya wasiyana nenyama.

Munhu mutema, ane ganda gobvu,
Ngaashande; anetsa orohwa gwati,
Riya ganyamuto chidzipura nenyama,
Rake zororo richauya mangwana,
Paachaenda kwamupfigwanebwe.

Tatora minda yedu yechisikirwa,
Zvomopanana paushamwari hwenyu,
Pachenyu, mai nhiya vozvionera,
Vaivepi pamairwa nevapambepfumi?
Muchiora tsoka nematekenya!

Tora iyoyo mombe yamashanga,
Muidzidzise chirungu kuverenga,
Bedzi pakati muka, shanda, mhanya,
Mubate kumeso arambe akakotsira,
Akazungaira, ngaabate chakati tende.

Inhamo yemudzanga kurumwa nekutsva,
Huyanga, hazvina hama kana mutorwa,
Chivendekete onongedza chimedure,
Uyu ane udyire, uyo ane hudzvanyiriri,
Ndizvo ndizvo, kusiri kufa ndekupi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*