Munyanyazi

Rwizi rweupenyu, Munyanyazi!
Kutangira iko kumakomo eChimanimani,
Gonyo, rwomonyoroka kusvika kuno zasi,
Turukova vanaShinja twowana pokuturira nhuna,
Rwopfuurira kunorutsira muna Odzi,
Potodongorera kubata mhiri kuna Save,
Otakura mikwende yedzimwe dzose nzizi,
Kunorasira mutoro kugungwa remabvazuva.

Kusanganiswa narwo rwizi muponesi,
Rwusinganeti kuerera ndira kusvika zvita,
Rwoseyama parinopisa rechirimo,
Tichirima koroni mumapindu emudimba,
Nekudiridza migero kubva mune irwo rwizi,
Painonaya yezhizha toshanyura makura,
Torwupa mukana wekufema, rwofaranuka,
Yanaisa kubva rwofashamira pamadiro.

Dunhu rese rine nyota nenzara,
Rochera pachena chipo chanyadenga,
Zvinogutsa diti, simba rako chete,
Yekunwa kana yekubikisa,
Mangwanangwana rwuchakadzikana,
Tsvina yevakageza mauro ichakateramira,
Kusvika kumba pakare tofashamisa,
Kubvisa hwasaririra hutachiwana.

Idzo mhuka dzinorura dzesango,
Kana dzose dzatinoda dzepamusha,
Dzinoda chekunwa zuva nezuva,
Ndiko kuita mufudzi wakanaka,
Kana yanaya kubva ave machikichori,
Dzagarika naivo mafuro manyoro,
Tsanga dzodadisa imo mumahombekombe,
Mionde yoita zvekunwira muvhu.

Kana kugeza ndimomo zvakare murwizi,
Nharaunda yese ndipo payakatarisira,
Dzingawe hembe kukwesha paruware,
Kana man’a padzviva tokwiza nedombo,
Pedze tozora girisi rengoro zvione kufambika,
Varume kuswera mumvura hanzi tageza,
Madzimai kuJero vomirira kwodoka varege kuonekwa,
Machinda orova manja nechekure vaone kuyambuka.

Hove isharaude mhando nemhando,
Zhinji ndidzo diki, madere nemakwaya,
Magakanje nemakwama kune vakashinga,
Hombe dzesirivha dziri mune akadzama,
Tenderere, akateramira anochengeta nengwena,
Kana rave jezi tovana mikonzvi nemikunga,
Dzorasirwa kunze kana rwizi rwashatirwa,
Isu vamwe toboza tichikanda pamoto.

Vasharukwa vokukuzva mudziva reChigarandega,
Mavanobata dzino hove huru dzinenge nyenye,
Madzimai havapedzi kudiridza avo mapindu,
Vobuda vakapakata usawi, chemberedzagunhana,
Tukomana twoswerorova nyaroso muJorodhani,
Chamunyurududu, twotamba chisveru mumvura,
Vasikana voita zvekugarira mugomo makuhwa,
Vachirova chikwee, ruzha rwunobvarura nzeve!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*