VaGarwe Chihwa

cropped-chihwa_africanwilddog.png

Mwaita Sigauke,
Chihwa chebonga,
Mutupo watakagurirana,
Mwati kaha ngekuone tsimba,
Kuona mumhu todedera,
Mwaita Ngonyama,
Chiramba kudya uswa,
Kuona zuva musi wainodya,
Kuvhima pamwe sedanga,
Mhumhi chidyandimire,
Vanodya ichafamba,
Chawa pasi chaora,
Mwaita vaera imbwa,
Vavhimi venjere,
Vanoridza ngoma,
Ngemidzonga yenyama,
Zvaitwa vaGarwe
Kupepeta vatorwa,
Nerurimi chibhende,
Veukama vanonzwa,
Chichengeta varanda,
Haiwa Chihwa,
Vanodya zveziya,
Vemawara machena,
Anonga dehwe rehosi,
Rinofukwa musi webira,
Zvaitwa Chihwa!

640px-Wild_Dog_Kruger_National_Park_South_Africa

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*