Kuchiri kuchema

Kuchiri kuchema kuri kwega here?
Machenere akadaro, Vhisachi panhamo!
Kana zvave zvekutsvaga mugaranhaka,
Tsiyo dzakazorwa nemiromo mitsvuku,
Zvowonge chipoko nemisodzi yenhema!

Kuchema senge mutambo wepwere,
Kusingaoni uyo angouya ari maoko,
Apunyaira rwendo kukubatai maoko,
Mhere inokwetsurwa zvine sarudzo,
Kune bedzi auya akabata chingwa.

Pasvika mukwasha wenyikamukanza,
Pakati pemhere’bva yombosendekwa,
Kutsvaka mubvuri wekumisa motokari,
Ane sikorosikoro yake obvisa mberi,
Zvemhere zvosimudzirwa mbaimbai.

Zvino zvoonge makwikwi pamhuri,
Vana vanyamunhu kuda kushamisira,
Kuti ane mhuri yakatsvindisisa ndiani?
Ko pwere dzinotsvaga chii parufu?
Dzorasa muswe kuswetuka chitunha.

Zvikanzi vemhiri simudzai maoko,
VeMerika vakati toita zvekusimuka,
Vemuno mukwasha afuma kunokama,
Iye pano ari kuvhiya mbudzi yepiri,
Pfungwa dzeasina basa hadzinawo basa.

Varamu chikwee sevari pamuchato,
Mumwe adirwa mvura ine makoko,
Vavakidzani vemushakabvu nazvo katya,
Kubara kwasahwira zvainenge mhepo,
Ndicho here chavanoti chizvinozvino?

Nharaunda zvino yongokwenyana!
Chinguri yabvira kutaura nemaziso,
Vamwe vaedza chibhende nemadimikira,
Kuti regai kungwarangwanduka pasina,
Ari pano akafa ochonywa shure nehuku!

Zvino zvichabatsirei kutenga maruva?
Kuita mabiko pamberi peafa nenzara?
Kuuraya mombe vawengi vapfachure?
Bhokisi remari rekucherera muvhu?
Siyai zvenyu honye dziite madiro!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*