Muka mudiwa titandare

Muka mudiwa, muka,
Ndiri kungoumburuka siku rose,
Kana icho chibani chongoti bari-bari,
Tambo yotopera, haichasviki kuparafini,
Chinguri ndabvira kunetsana neutunga,
Hona dandemutande mudenga pambariro,
Hope dziri kuramba kubata wena,
Kachikokiyana kemadeko kandiparira.

Ndati mukazve iwe titandadzane,
Pepuka, chirega kudairira muhope,
Tsamira paruoko rwangu rweruboshwe,
Undiudze zvaitika munharaunda ino,
Zvesvondo rose pandaiwe kubasa,
Ko-o dzako nyambo dzemandorokwati,
Nditaurire dziye dzinokodza mwoyo,
Upote uchindirezva pamwe dzingauya.

Ako mashoko akareruka pahana,
Chese chaunorewa inhapitapi kwandiri,
Shungu dzangu dziye dzapinduka kuwe nyasha,
Neugwara hwaparara, ndoita sendiri mhare,
Marwo hapasisina, ndodyawo zvine mwero,
Unyope hwatoenda, ndofondoka kusakura,
Randinoita basa rinombowe nyore here?
Asi ndikafunga iwe zvese zvinoreruka.

Takabva kare zvino tachembedzana,
Iwe neni, ndiko kugarisana hukama,
Unoona kutsamwa kuye kwandinoita?
Kudzorana, hadzisi shanje kwete,
Unoziva wani ruchengera rudo!
Vasahwira vako vane tsika dzekukwereta,
Vakaberekwa chembere dzaenda kundari,
Gara kure, vanokufurira zvisina maturo!

Handina nyono mudiwa, ndichakamuka,
Enderera zvako mberi, ndiri kukunzwa,
Iwewe dzako ndidzo dzinomutsa vavakidzani,
Ubvunze zasi kumusika uko vanokunzwa,
Ndai…hhrrrrrrrr, hhrrrrrr, hhrrrrrrrr.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*