Usanyengedzwa

Yakatanga iri hurukuro zvayo padare,
Vasharukwa vechondinyengedza,
Chiroora mwanawe, ndiwo musimboti,
Ini ndokunozvitsvagira yangu nhenha,
Yakaita zvekusikwa, kwete kuzvarwa,
Ndokumhanyira nayo mumambure,
Dzikakurumuka hama nemadzisahwira,
Kupunyaira kubva matunhu ari kure,
Dzikapembera, kunwa nekudya neni,
Akave makuwerere ega-ega zuva rose,
Ndikadaidzira yowe-e nekunakidzwa,
Ndogutsurira, kutenderana nazvo,
Muromo vavakuru usingaviri pasi,
Kuzoti gare-gare wadzika midzi,
Wakanganwa kwavakabva nehope,
Unouno kwatadza kumira mushe,
Hakusisina chakanakaba hwii,
Ziso rongodzvokora pakanganisika,
Ndave zinatsawafa, chandaita chakaipa,
Zuva nezuva kwangove kushereketa,
Nzvengende rumbudzi rusisazivi mafuro,
Kwakungogarisanavo sevanhu veukama,
Hazvichabviri, dzave huni dzisisagoteki,
Ungazonovata usisanzwi zvakanaka,
Chikararwa, wokosora zvekupfira bapu,
Ndakatsidza mhiko, saka ndoibuda sei?
Vajenandebvu vaya zvino vondiseka!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*