Vana tinoona

Hatina kukuonai paifa vana musango?
Taive vakuru-vakuru tichironga kuhofisi,
Ko, pakaparara vamwe Putukezi?
Taidzidza hutungamiri mhiri kwemakungwa,
Ine huchi nemukaka zvino zvamauraya?
Hatizivivo, bvunzai vakuru vaitonga,
Maivepi vakuru pavaibvongonyodza?
Simba raive ravamai, isu taingotevera,
Mune mbiri yekurakasha ruzhinji?
Kupi, takapfava seganda rehwai,
Zvinonzi makauraya vana Matebhele?
Chimene chezizi kufamba zvanzi muroyi,
Ko, vashanu vakafa pamavhoti?
Zvakakonzerwa nevanotikwikwidza,
Mavapo panyanga chitongaika tione?
Tipei nguva yekutengesa nyika kuChina,
Mazuva zana zvaapfura rwakapindana?
Kuchema-chema, moda kuonererwa,
Movhara kumasaisai kwatinotandarira?
Muri vanaMuzavazi, taimboda runyararo,
Patinorwara isu vanaTsuro toponera kupi?
Hameno zvenyu, vamwe tinomhanyira mhiri,
Kuzhambatata kwevana, rapai chikonzero?
Hazvigadzirisiki izvi, n’anga haizvirapi!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*