Mukombe vamadzisahwira

Chakanaka chakanaka sahwira,
Chinwiwa chenyu chinonaka mhani!
Rine horeka, aya matindingoma!
Doro renyu randiomesa gotsi papata,
Kungoti dzvutu, ndadungunurwa!

Tendayi muzvare mubati wezviyo,
Vamandiriri, kuzvigeza nekuzvichenesa,
Kwemazuva manomwe kuzvinyika,
Kana zvomera kubva zvanaka,
Ndikozve kuti hunzi humera.

Vamai ndivo mazvikokota vegango,
Kuhusarudza humera nekuhukanga,
Zvakaenzanirana tarira hwatsvukira,
Nekugadzirisa kubvisa zvinomera,
Pedze vokuyiwa zvakatsetseka.

Ini basa ndinoribatira mberi,
Neangu magate anoziva hwahwa,
Ndokanya masvusvu, shure ndodziyisa,
Zvinyoronyoro kusvika yabuda mhanga,
Toita moyo murefu tichimirira rivire.

Zvino tochinja mupaka,
Torikwatisa mumarimi emoto,
Tokuchidzira, kubvuvira nekukurungira,
Kuti rizhazhire nekuvavira zvaunoda,
Pakare toritonhodza, vave musungwa!

Zvose zvasanganiswa torivirisa zvakare,
Nayo mbiriso ropupuma furo,
Masvusvu todira pedze tosvina mupeta,
Kunhuhwira kwoyambuka mhiri kwedunhu,
Chasara ingoma yendari yaunorwarira.

Haringaregi kunaka mwachewe,
Gona remhamba maoko enyanzvi,
Neziya, hapana hari inovira isina mukuchidziri,
Zvino vakorewa, voshaya nyadzi uchingonwa remahara,
Kuzunza homwe kusvika pamadesa edoro.

One Reply to “Mukombe vamadzisahwira”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*