Nhambe muchando-chena

Yedu yekusada kusarira,
Taiweko iko kumakomo!
Tichitamba muchando-chena,
Kukwira takagara pazvituru,
Kudzoka tichikunguruka,
Takapfeka makwati pashangu,
Vamwe vagarira nhanzva,
Kuti tinyatsomhanya nebani,
Yaingowe wasara-wasara,
Mazvake-mazvake kudya kwembada,
Watadza kukurumidza kukona,
Pamwe woumburuka muchando,
Dziripo nzira dzavachangotanga,
Zhinji ndedze voti gonei,
Tsvuku nenhema ndedzeshasha,
Vakakura nazvo havadi kana gwara,
Kungoti bangwa nemawere,
Chitaurirwa imi woye-e,
Yaingowe ooooh, aaaah, urrrgh!
Chikakarara nganda reshumba!
Kushanja kune mamwe marudzi?
Kutsvaka chekufa ndicho!
Taken with Lumia Selfie

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*