Nyarara mwana

Wehuwe
Nyarara mwana
Wehuwe
Nyarara mwana
Mwana anochema
Nyarara mwana
Mwana anochema
Nyarara mwana

Mwana wenyu wachema vakoma
Wachemera mai vakaenda
Vakaenda kwaChidyamupunga
Chidyamupunga magaka aora
Aorera mhiri kwaMungezi
KwaMungezi kune banga jena
Banga jena rekucheka nyama
Nyama kwayo ndeye paruware
Yapasi inozara ivhu

Heino njiva
Hu-u!
Inogurukuta
Hu-u!
Nechana munyasi
Hu-u!
Chimwe chiri kumba
Hu-u!
Chinokanga zviyo
Hu-u!
Zviyo zvavatete
Hu-u!
Shanga yangu yawa
Hu-u!
Yagonhongwa nani
Hu-u!
NaMushayadende
Hu-u!
Wagoiisepi
Hu-u!
Kurwizi rukuru
Hu-u!
Kunodyiwa tsamvu nenhengetenge
Chamupidigori toridza ngoma
Huku ine mongo muchidondova
Kwiyo goko-o!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*