Chibage

Dzungu kani, aitadza kana nekurara,
Munda kufumomema ari mambakwedza.
Zuva nezuva achindipfanya-pfanya,
Kuri kuda kuziva kuti ndaibva here!

Kundiyeva, zvanzi ndoda iro hombe!
Iro-iro rakasvika, rinovaima pakati pebindu,
Irori randabata, rinozvara maviri-maviri,
Kungodya rimwe, unonzwa parere mwoyo.

Pakutanga ndaidyiwa ndiri nyoro,
Zuva nezuva, hapana paaida kundishaya,
Zvakakwidza musiwo’bva ndodzokororwa,
Mangwanani, masikati nemanheru!

Zvinhu zvakatanga kupinduka, nenguva,
Topesana, ruvara rwangu rwarohwa nezuva.
Ndakatanga kukangwa mhandire, ndafuva,
Isingadi kugezerwa maoko, neane huruva!

Pedze ndokandwa muduri musina anopunyuka,
Chinguri ndabvira kupondwa, kubuda ndatsetseka.
Kutora nguya yake, hapana chekumhanyira,
Pachati chirimo nezienza tisati tabata matsutso.

Muno muchando, zvino ndodirwa inotonhora,
Zvinyoro-nyoro zvake, ndokanywa mupotahayi.
Panopano ndopfaviswa nembiriso, ndorungwa,
Tumunyu netsvigiri pada ndingadzoka kutapira.

Siku rose, ndoradzwa pamarasha emugodo,
Kuburwa rungwanani ndafufuma nekutsvukira!
Andiumba zvaaida chaizvo, zvaaivavarira,
Tafura ndoshongedza, putugadzike ichivira.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*