Ndamborara here

Muchindiona zvenyu madzimai,
Kuuya kutsime runyanhiriri kudai,
Inyasha, muviri wakati rukutu,
Kuziva nzira kungoti ndarovedzera,
Kwandabva kufambira muhope,
Ndamborara here madeko?
Nayoka yavaMafukidze!
Padzinotanga kubata, ikati yapinda,
Panopano yaamo zvakare,
Kotsi-kotsi, iyo pindikiti!
Kungoti ndipinduke, yaamo,
Ndinofunga kanokwana kashanu!
Hazvina papi, nekuseri nekuseri,
Asi baba vatombi ndakambovaudza,
Kuti varebese ruzhova, kusosa,
Iyo zvainoita zvekuvirimuka,
Kana yapinda inodyira nhafu,
Yaneta pedze yowatira imomo,
Kubva ngavagadzirise zvavo danga,
Irege kungobuda pese-pese,
Ko-o zvino ini ndini ndadini?
Iko kumarimuka kwavanoenda,
Ngavadzoke vagare pano pamusha,
Vazvionere zvinhu zvavo vega,
Vandizorodze, a-ah ndaneta ini,
YavaMafukidze inonetsa!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*