Uzondirangarirawo

Mudumbu machema nzara munoda kuguta,
Tinorwushuvira rugare tinorwuda,
Kwariri zambuko enda usaneta,
Chiriko chekupfumbata usagare pasi,
Chikumbiriso mudiwa ndicho ichi,
Chikumbiriso baba wevana ndicho ichi,
Uzondirangarirawo.

Ichi chigutsa wepamoyo,
Zvaunoona zvimhingamupini,
Hazvizopiri gotsi nekuti vapa gotsi,
Zvichandivana zvikobvu nezvitete,
Wawako kure mudiwa,
Wawako kure baba wevana,
Uzondirangarirawo.

Chinangwa kuguta hongu,
Kukohwa munda werugare ishuviro,
Zvauchasangana nazvo zvizhinji,
Zvakasiyana nerugare mavhu nemarara,
Ugozova nemoyo mumwe chete mudiwa,
Murugare nemumatambudziko,
Uzondirangarirawo.

Mhuri ndinosara nayo enda,
Zvichaivana zvichandivanawo,
Hazvineyi kuti haupo ndiripo,
Ndichavavhumbatira sehuku pamazai,
Kunopambara mudiwa usarega enda,
Kunopambara usarega baba wevana,
Usanokoshiwe chete kuti ndiwe jongwe pano.

Enda zvako murume wangu,
Endai zvenyu baba wevana,
Famba zvakanaka murume wangu,
Nemidzimu ikuchengetedze musango dema,
Usanotsindike mwena unobuda ishwa,
Zviviri zvitatu zvapinda munhawa utiyeukewo,
Usanovire muhari yemukaka sebete.

naTafadzwa G Madhina

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*