Chakashatira zvachakanakira

Vadzidzisi vanobatsira muupenyu,
Rangarira raramo yavo iri pauri,
Ndosaka vachivavarira paunozvarwa,
Kuti ubude uri zidofo remakoko.

Chiremba anokurapa nguva dzese,
Paunorwara mudumbu nemusoro,
Kana ivo mapere akutambisa nhova,
Anokunamatira urwere kuti ararame.

Gweta rako rinonyepera kukufarira,
Charinoda kuti upinde mutsekwende,
Usungwe nekukandwa muchitokisi,
Rozodzoka rouya kukusunungura.

Vekumarinda vatofana vachera,
Rimwe guva ratove nezita rako kare,
Vatoronga naMudzviti nevemabhokisi,
Vose vatomirira musi vaunoti dhi-i!

Mbavha chete ndiyo inoda ubudirire,
Kukushuvira uvane zvose zvainoda,
Nekuda ugare une mari muhomwe,
Ndokunakira zvachakashatira.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*