Kwaye ndiani apa

Ruzha, pano anongovhotomoka,
Ndini wacho wembeu, ndionei!
Uyo chinguri asvika akangoti zii,
Atadza kukwana, mhutwa murusero!
Zvino kwaye ndiani apa?

Wasu wako ndiye weManyika,
Kwainonaka mhamba ngevamai,
Mukwerekwere kumahombekombe,
Tateguru rakabva nyikamukanza,
Manje ari nani ndiani apa?

Vakuru vakapfeka yemurara,
Rwavo ruziva rwakabva mudzinza,
Ava vengovani dzavo dzedzidzo,
Vanongopembedza magariro avamwe,
Saka ndezvipi zviri nani?

Wangu muvakidzani hasha kani,
Maoko ake haabati chinopona,
Kubva wako kunyara kwerudzii?
Rake zita paruzhinji haaridairi,
Ko-o ndekupi kwekupotera?

Imi munavo majaya nemhandara,
Potai muchitenda Musikavanhu,
Wepapapo vaviri vega pachavo,
Vanongoswerodya nyika rutivi,
Vagere ndevapi apa?

Hongu inyeredzi, tsvarakadenga,
Asi haana nguva nekuzvidinga,
Chipukandipemwenje mudhiniwe,
Chinongokwenya nekutsvara’nda,
Ko-o ndeupiko ari nani?

Kufundumara, tione ukamutanga?
Nyangwe zuva rabuda kudai,
Uyu anongoseka-seka neparufu,
Wadavapfanya bhanana repamusika,
Munhu kwaye ndeupi apa?

Ava ngevenhafu havazivi pekumira,
Zvino vazvimba matumbu nesadza,
Mukoranebhande kungoti nyobvo,
Yovhuvhuta kutotsvaga chekubatira,
Ane chimiro kwacho ndiani?

Wepano anozvirova dundundu,
Kuona nemavanga kuti anokaka,
Handirarame ane mitezo inoteta,
Gwara, tsiyo dzake dzinorwadza,
Achararama kupinda umwe ndiani?

Dzikama, hazvidi dzungu,
Rega kukurirwa nemhepo,
Kusvisvina zondo ndichitaura,
Hapana chiri nani pane chimwe,
Tese tiri nyama ichaora!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*