Pombi
Wandinyima bhasikoro, pombi ndinayo Yangu inopomba kwese, shure nemberi Wo iye re-e, wo iye re-e (Bhundu Boys)
Vana Vevhu
Wandinyima bhasikoro, pombi ndinayo Yangu inopomba kwese, shure nemberi Wo iye re-e, wo iye re-e (Bhundu Boys)
Kutoshinga, ma’mwana, kufa hakuurayi! Yangu nhamo ndeye fodya yemudzanga, Inoti uku yakarumwa, kuno inotsva netumitemo, Tunovezwa nevarume, kuvapfavira vokushavira. Ndagara kumuka pahunotsvuka hutonga, Ndotsvaira ruvanze rwese pasina ati afamba. Tsve-e, Continue Reading →
Kungofunga kuti rugare rwuri kune imwe, Nzvimbo, hauzombofi vakafara paugere, Rako ziso rongoshoropodza zvarinoona, Dakara muridzi aritakura, nekamukwende, Kunanga kumugwagwa, kuchiteshi chebhazi! Kutanga kangori kagwanzi zvako kazere tsine, Nerukato, iko Continue Reading →
Ndanzwa ruzha rwesando nezvipikiri, Kurovera bhokisi reakatisiya madeko, Zhizha, pataipura nyemba nemusana, Aenda, zvese nemaguta akatekeshera. Hatina chakanaka, totsamwa kana yonaya, Kutirova nhongonya, ichierera nemumaziso, Kukoshiwa kunhuhwira kwejiho rabva kunaiva, Continue Reading →
Shungu iwe shungu iwewe (Doro tinongotambura naro hatigone kusiyira vamwe Chinwai tiende kumusha) Ndikati shungu iwe hona shungu dzangu ini (Doro tinongotambura naro hamugone kusiyira vamwe Chinwai muende kumusha) … Continue Reading →
Unaona! Kusenga bere nerichadya mbudzi, Havagoni kutsindika hana, yarema! Chavanoziva kuswerofukura hapwa, Kuti kwedu hapana chavanokwanisa, Havashandi saka tararira mbwirembwire. Pedze pindu, zvonzi hauchavimbi neni! Ndingakupa rimwe soko, une idi Continue Reading →
Tisvikevoka, nhasi zviri sei-sei? Manheru ano ndinewe mwatyewe! Ko-o, hini ndava kutsika madziro, Ndakabvira kare ndichikushevedza! Ndakatanga nekukutyora gumbo, Ndichiti umire kusimbisa mwiri. Zvino tava kutoverenga makore, Mana, uchingokumhina uchienda? Continue Reading →
Ini ndakangoti bedzi, “Ava ndivo amai nababa vangu!” Pameso pake ndokunyorwa kuti zvorevei? Pfungwa dzake ndokupepereka kwechinguvana. Hapana zvaanozivawo zvizhinji! Vakasangana gore gochai matehwe, Hapemo zvavakaita musiwo, iye pfacha, Pakupera Continue Reading →
Chigwindiri wauya, zinhu risina hama (Tamba tione) Ha-a, ini, zinhu risina hama (Ndonofira musango) Ha-a, ini, zinhu risina hama (Ndodyiva nemakava) … Mukanya
Ndokushanya kwatezvara kisimusi ino, Naye vangu mukwashan’ina, sezororo guru. Vangu mudzimai mberi, iye nevake kumashure, Muhambautare mbishi ine zimhopo pamusana. Yakati zi-i, chinyararire kupinda ruvanze, Vakazonzwa nekutaura ndatomisa kare. Vamwe Continue Reading →