Chimbwido namujibha

Papata, inguva yaive yakaoma,
Kuve jaya kana mhandara,
Nhamo yefodya kurumwa nekutsva,
Kuzvipedza kwauve kutoyambuka,
Pungwe, kuenda Nyadzonya,
Unozvipakatira rako wega gidi.

Ukasadaro wainzi uri gwara,
Nharaunda yokutarisira pasi,
Mabhunu okunemera ugandanga,
Zera, wave muzambiringa munyemba,
Okubhura nesanzu kwadikwadi,
Kusvika wabvuma zvausiri.

Ivo magandanga ari rako divi,
Hapana mabori, usiku hwese pungwe,
Dzavo mbanje dzeputukezi vachibhema,
Pedze ndivo vokutuma mupfumvu,
Uchipunyaira nadzo hope,
Usina kana tsvimbo muruoko.

Angoti budirirei nehupfumi,
Ndarama yehurudza kana chitoro,
Vavengi vokupumha utengesi,
Zvonzi wodyidzana nevarungu,
Siya musha uende dhorobha,
Vatengesi vanochekwa muromo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*