Kukunda kubatsirwa

Kudzidza hakuperi,
Iko kugara nhaka kuona dzevamwe,
Mumamana umo matinovhakacha,
Chitsva chagara chiri murutsoka,
Motosangana neshamwari itsva,
Dzine mirairo nematambiro matsva.

Asika zano pangwa une rako,
Dziya tsika dzatakadzidza pakuyaruka,
Vavakidzani vachitichengeta savabereki,
Kutirova misikanzwa zvaisada mvumo,
Wotokotsa muromo zvirege kusvika kumba,
Vabereki vakazvinzwa zvakare worikitwa.

Zvikoro zvatakaenda zvakatiumba,
Dzingave svomho kana madimikira,
Kana iyo mitambo yakasiyanasiyana,
Kutanga kushanda kudzidziswa nenyanzvi,
Tichidongorera nepamabendekete,
Zvino zvotiyambutsa mhiri kwaLimpopo!

Kuziva mbuya huudzwa,
Nevagara vaziva kuti ndimbuya,
Nhasi wave mazvikokota wemandorokwati,
Zvowovana chipatsurirana nevasina,
Kutsanyira vamwe vaye vavata nayo,
Wotenda Musiki mumweya nemunyama!

Kapazi kamwe nakamwe kubva muhucheche,
Kunzwa nekuratidzwa, kufunda nekufemba,
Zvatakadzidziswa mudzimba kana kuchikoro,
Takashanda nesimba asi kukunda kubatsirwa,
Chiyambutsa vamwe kana wave mhiri,
Worega kushamisira kutaura kwewabaya!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*