Bata panorwadza

Parerenyatwa tose tinopaziva,
Zvinavashe, kutonga ndekwamambo,
Dambudzo tisu takarirera,
Takawira pavadzvova ndururu,
Tungamirirai, kwete kutonga nedemo,
Kuvakuru nevadiki shamuyarira,
Totsonderwa muduri semhutwa,
Nhongo ndokurasa muswe pamupiro,
Zvino nyika yamunywa nemujuru,
Munhu vose mumoyo oshushikana,
Chimoto, pesepese vangova musika,
Chigaro cha’she chave chiwengwa,
Varivo vananyagumbo vasingagari pasi,
Hwavo hwangove ushewokunze!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*