Kushata zvakunoita

Kushata rudzii kwakadai?
Kunonhuvira kana nenhunzi?
Chiripo chariuraya chete!
Zizi harifi rakafa nemhepo!

Ndanyanya kuita mashatirei?
Kunoti anyimwa chake chikwerete?
Ondiita monya rake, chishatakumeso!
Makushe aya, kunyangara bedzi!

Marirangwe dakara ripote,
Rangu zita riri pane yenyu miromo,
Kundishandisa, kundirimisa dimba,
Kushata zvako handidyi chakafa choga!

Mondidyisa sadza menyu mudzimba,
Vana vonzi idyai bota nekukurumidza,
Mukasadaro munodyiwa nerekushata!
Heto anosvika pano iko zvino!

Rangu gumbo kutsika rwenyu ruwanze,
Nyemwerero kunzeve semunondida,
Kungoti gotsi tendeu, zvanzi mamhepo!
Modana godobori kuchenura musha.

Pandapfuura vanosara vachikwenyana,
Hakuna kwaye angaita maipirewo,
Hazvigoni, anoroya chete ndinopika!
Nambuya mukadzi vasekuru, hanzvadzi yamai!

Mapindwa nemweya wakaipa chose,
Imi vanhu munonditaura mose,
Hamuzivi munondipa makomborero ose?
Dhadha haridyiwe musoro zvachose!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*