Chinangwa chako ndecheyi

Aikazve, gore rimwe zvaratopera,
Chii zvino chawakaita chisvinu?
Idzo hama neshamwari vakwazisa?
Vamwe varombo, chavanacho bedzi imari!
Makorokoto kuti wakabaya gore rino,
Kana kamweya kacho kangori kenhamo,
Chitora matanho zvichinje mune rinouya.

Tanga nemubvunzo unoti nei?
Nei ndada kuita chinhu ichochi?
Kugadzira mari hachizi chikonzero!
Dzikisa pfungwa uziwe paumire,
Wobvunza vamwe zano une rako!
Kungoti pfungwa dzione kurongeka,
Zvinoita nezvagara zviri zviroto!

Mubvunzo wepiri unoti sei?
Ko-o, ndozvifambisa sei?
Kuti zano rangu ribudirire,
Matanho api andichatora?
Ndiani wandinotaura naye?
Iko ndekupi kwandichazviitira?
Ndotanga rini zvichitora nguvai?

Wozoti chii chaizvo chandingaite?
Ndorima munda murefu here?
Kwete nerunhare, kusunga dzisimbe!
Kana wada hako kuita zvemabhazi?
Anobva nepi achinanga kupi?
Kazhinji unotanga nekushandira vamwe,
Uchichengeta mapeni ekutangawo zvako!

Zvinyore pasi zvose zvivavariro,
Wotsunzutira padiki nepadiki,
Usacheuke-cheuke nekutarisa shure,
Hazvibatsiri kushuwira zvevamwe,
Hauzivi kwavanobva nekwavanoenda,
Tora muzira, mhanya wako mutsetse,
Ukangodaro uchakunda chete!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*