Rudo chii

Kurova kwehana here, kuti tsemu?
Hameno zvinoita hura kukakatana,
Kune mumwe chete wavakarotswa,
Kutanga kumuonera kutsi kwehope,
Kuzoti ba-a, kubva wodonha tsiriri,
Nyeredzi matsatse ikati yaturuka!

Kuda ndeuya wechihwande-hwande?
Dai akangoti mwedzi mina kasikei,
Baba vatombi vasati vakutanga,
Chinomboita asave wako ndochii?
Chinokutambudza siku nesikati,
Kumuda moto’bva bedzi kabisira!

Pamwe ndiye’yu anogarozvireva?
Panopano, “Ndinokuda ufunge!”
Nyangwe zurori akarara achikurikita,
Achikutarisa anongoona mudziyo,
Kupondwa newaunoda kurangwa?
Iwe zii zvako, ndiwe wakaperera.

Kana ndewako asingatsukunyuki?
Nehama moita mukomberanwa,
Makobvu nematete, iye kana bufu!
Zvazvo mumoyo mombe achidemba,
Rese danga rakaenda richikuma,
Kusara oseva nasimuka tienzane.

Hwechirume rudo ruri pamari?
Kunyima wake ndokushaya hanya,
Anofanira kumuitira kese-kese,
Kunyangwe iye asingazvikwanisi,
Ngaaende Marimuka anopambara,
Ozodzoka akabata mazakwatira!

Hwamai ndehwemakangiro here?
Mumba yekubikira zvese nekurara,
Rukati gare-gare rwotanga kutama,
Mvura, kutomira-mira kukwiza man’a,
Nekuombera zvamapihwa naSamusha,
Morega kuropodza zvisina maturo!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*