Tsumo

1. Abara achena mwoyo
2. Abereka otochena moyo
3. Abva zunde haachadyiwi navashe
4. Adenha mangwiro otokwinya
5. Afa nemaronda enyora haachemwi
6. Afamba apota
7. Afirwa haaringwi kumeso
8. Aguta haaoneki
9. Aita chake ndihombarume
10. Aiva madziva ave mazambuko
11. Akabata sando anongoona chese-chese sechipikiri
12. Akanga nyimo awangarara
13. Akazvara sekera muchitende / munyasi medengu
14. Akoromoka awa
15. Akuti rima ati ugute
16. Akumhina afamba hazvienzani naTigere
17. Akuruma nzeve ndewako
18. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro
19. Ane bedzi ndeane rake kudzana anopururudza
20. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa
21. Ane marengenya haacharike moto
22. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni
23. Ane mombe yake anoziva makumire ayo
24. Anokutukira badza unokupa upfumi
25. Anyumwa bere nderake
26. Apunyaira haashayi misodzi
27. Ashamba haanokorerwi
28. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo
29. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro
30. Atswinya arwa
31. Avengwa anhuhwa
32. Baba muredzi mwana kuchema anodaidza mai
33. Badza guru ipa murimi, kuripa simbe inovata naro
34. Basa mangwanani
35. Benzi bvunza rakanaka
36. Benzi raramba mbanda harirapiki
37. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani
38. Bere zvarakatya mapapata aro mangani
39. Bvupa jena rakabva munyama
40. Bhuru rasarira shure rasarira shamhu
41. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba
42. Chafamba chasvava
43. Chafamba kamwe hachiteivi
44. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo
45. Chaitemura chava kuseva
46. Chaiti chururu chakapwa
47. Chakabaya chikachokera
48. Chakadya chakaoneka, mutanda wakasiya mbare
49. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa
50. Chakafukidza dzimba matenga
51. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu)
52. Chakare ndicho chinokudza nherera ?
53. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira
54. Chakatanga ndochakachenjedza
55. Chako ndechako kuseva unosiya muto
56. Chamuka inyama
57. Chana chidiki chirangaranga
58. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo
59. Chapinda munzeve chavaridza bonde
60. Chara chimwe hachitswanyi inda
61. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti
62. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba
63. Chati homu chareva
64. Chauya masikati charamba ndima chauya usiku charamba hope
65. Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho
66. Chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri
67. Chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri
68. Chawana hama hachisekwi
69. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa
70. Chawira pasi mudzimu wembwa
71. Chekuba hachigari
72. Chembere masikati usiku imvana
73. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota
74. Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta
75. Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu
76. Chembere nzenza dzakabvira kumahumbwe
77. Chimene chezizi parafamba hanzi muroyi
78. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi
79. Chibage chinovandira kune vasina meno
80. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho
81. Chidamoyo hamba yakada makwati
82. Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho
83. Chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto
84. Chidiki chakapedza chikuru
85. Chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora
86. Chidyamatoo akadzipwa neganda remhuru
87. Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena
88. Chigare chenda kudya akaitakura
89. Chigarisano ndicho chine mhosva
90. Chigere ibwe muti unowa
91. Chikakarara nganda reshumba/nzou
92. Chikomba chinovirima kwacho
93. Chikomo shata divi rimwe ritambire pwere
94. Chikuni chinoda mukuchidziri
95. Chimwe nachimwe chine nguva yacho
96. China manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe
97. Chinobhururuka chinomhara
98. Chinogova ruoko muromo haugovi
99. Chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe
100. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka
101. Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro
102. Chinokura choga isango munda kukura huona tewe
103. Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa
104. Chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba
105. Chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho
106. Chinorwadza chinogutsa auya nacho
107. Chinotanga mberi mashura
108. Chinotaura ndechiri mumusungo, chiri muriva chinoti denga rava
109. Chinotanga kukambaira, kufamba kunouya kwega
110. Chinozipa chinoregwa
111. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara
112. Chinya chegurwe kudashura gumbo neshungu
113. Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda
114. Chirega kutya kununa iwe wakasasikwa
115. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro
116. Chirere mangwana chigozokurerawo
117. Chiri kwaOdzi ndochiri kwaSave
118. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho
119. Chiri mumusakasaka chinozvinzwira
120. Chiri pamuchena chiri pamutenure
121. Chiri pamumwe chiri padanda
122. Chiripo chariuraya zizi harifi nemhepo
123. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri
124. Chirungurira chirwere ukanyara unofa nacho
125. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto
126. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo
127. Chisi chako masimba mashoma
128. Chisi chako pembera wadya
129. Chisi chako rembedza maoko, rega kukungira hata
130. Chisi hachieri musi vacharimwa
131. Chisingaperi chinoshura (tsambarafuta rawe igo)
132. Chitaurirwa mbare dzekumusana
133. Chitende chinorema ndechine mhodzi
134. Chitsva chiri murutsoka
135. Chitsva chitsva munamba wejenachena
136. Chiunu hachina murombo
137. Chivendekete anoseka chimedure
138. Chomukuru anopa omene
139. Chomukuru hachikumbirwi
140. Chura kugara mumvura handi kunwa
141. Dai ndakaziva haitungamire
142. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva
143. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu
144. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa
145. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga
146. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako
147. Fodya haina manenji semhamba
148. Fodya haina shura sedoro
149. Fungira mumoyo rwedo rembwa
150. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa
151. Gangaidzwa mukwenyi mhezi yawavira mumoyo
152. Gangaidzwa vavigi kunhuhwa kwaakafa
153. Garwe haridyi chebamba, charo choza neronga
154. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana
155. Gona ana gona vakewo
156. Gona rehupfumi iziya
157. Gondo kuengerera raona zumbu
158. Gonzo mhini gara mumwena chakaipa chikuwaniremo
159. Gore jena chiregopenya ungazotorerwa ushe nedema
160. Gore haribvi pakabva rimwe
161. Gore musandu
162. Gotsi rutsito
163. Gudo guru peta muswe, vapwere vagokuremekedza
164. Gudo kuipa kuipa zvaro asi haridyi chakafa choga
165. Gumbeze rinodzinga nguva
166. Gumbo muupfu gumbo mushuga
167. Gumi rakadya vaviri
168. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku
169. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro
170. Hakuna bura rinoswatanukira panze rabva muvhu rakakombama
171. Hakuna dziva risina chura
172. Hakuna mombe inokorera pamarekete
173. Hakuna nyika isina rinda
174. Hanya nani chidoma chekwaChivi
175. Hapana angagone chisingagoneke naGona
176. Hapana chembwa tenzi vararira mutakura
177. Hapana mukadzi akashata muchando
178. Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo
179. Hapana mukuyu unovinga shiri
180. Hari haiviri isina mukuchidziri
181. Hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi
182. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano
183. Hope hadzina ndima
184. Hove dzinokwira dzine muronga
185. Hove huru dzinodyira kwodoka
186. Huku yemurombo inokandira mazai ayo iri mumuti
187. Hukwana inodya ndeiri pana mai
188. Hurudza inofa ichinzi inodya
189. Hwahwa hahuna mbuva
190. Hwuromboi hwagara nherera kudya ikarutsa
191. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete
192. Idambudziko rehope kurota kwawakarambwa
193. Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo
194. Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi
195. Ikamwe pagore hembe yenherera
196. Imbwa mbiri hadzitorerwi/hadzibvutirwi nyama
197. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo
198. Imbwa payadyira haipakanganwi
199. Imbwa yakwavarara yatya
200. Imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo
201. Imire haifuriri dzivete
202. Inotanda yomunyepi younyerere haitandi
203. Igangaidza musvipi, garahwa kurambira pagurokuro
204. Ishe ndishe, muranda muranda
205. Ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno
206. Isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo
207. Jongosi kunyimwa mashanga iro ndiro rakarima gombo
208. Kakara kununa hudya kamwe
209. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi
210. Kamupungurunje kahove kanyama kasina muto
211. Kana rokwata roda kunoibva
212. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa
213. Kana wadya imbwa idya iri hono
214. Kandiro enda kandiro dzoka
215. Kandiro kanoenda kunobva kamwe
216. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka
217. Papadza keserima kanda papfudzi tiende muzinda
218. Kashiri kasingapambari hakanuni
219. Kuba ngoma kuri nyore, pokuiridzira ndipo panonetsa kuvana
220. Kubaya tange hama vatorwa vakutye
221. Kubikira mweni kumudzinga
222. Kubvongodza muto kuseva kweaguta
223. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo
224. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada
225. Kuda chemungozva kubata mwana
226. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa
227. Kudya chevapfupi nekureba
228. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama
229. Kuera dziva igumbo ribodzi, makumbo ese unoerera
230. Kufa izuva rimwe, kuora igore
231. Kufa kweane hari anosiya mazonde
232. Kufa kwegonye matanda anosekerera
233. Kufa kwemurume kubuda ura
234. Kufira mafufu segonzo
235. Kugara nhaka kuona dzevamwe
236. Kugarika tange nhamo
237. Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto
238. Kugona mbavha kuironzera/kuirongera?
239. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye
240. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo
241. Kukurukura hunge vapotsva
242. Kunaka kwemurume imombe dzake
243. Kunaka kwemurume kuri muhomwe
244. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga
245. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi
246. Kunosumwa iri mushunje, iri mumusakasaka inozvinzwira
247. Kunzi pakata handi kunzi ridza
248. Kupa kuturika
249. Kupedza nyota kuenda padziva
250. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake
251. Kupotsera dope, rimwe rinosara mumaoko
252. Kuramba dzvuku kuona jena
253. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro
254. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo
255. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva
256. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo
257. Kure kwegava ndokusina mutsubvu
258. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa
259. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika
260. Kurembera kwedamba handiko kuwa
261. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma
262. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu
263. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo
264. Kuriona guyu kutsvukira, mukati rizere masvosve
265. Kurova imbwa wakaviga mupini
266. Kurova tsuro negwenzi rayo
267. Kurumwa nechekuchera
268. Kurumwa netsikidzi rambira mumba, kubuda panze unorumwa mhuno nebere
269. Kusakukurudza kwejongwe hakutadzisi zuva kubuda
270. Kusaziva kufa
271. Kuseka nhamo kunga rugare
272. Kusekana kwaanakamba
273. Kushaya hakunenerwi munhu denga ratarama
274. Kusimbirira kurapa mhopo kumusana iwe une ziso rine mbonje
275. Kusvasvanga kusvasvanga zvayo nzou…
276. Kutatarika humira
277. Kutaura kudzikisira kuita makata
278. Kutenda kwakitsi kuri mumwoyo
279. Kuvhima uchidzoka shure unorasa hwema
280. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike
281. Kuwanda kwakanaka, kwakaipira mukupedza muto
282. Kuwanda kwemaoko kunotsonza ndima
283. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu
284. Kuziva mbuya huudzwa
285. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira
286. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira
287. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama
288. Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe
289. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe
290. Made etsvimborume okudya yakawaridza
291. Mai musuva usingasevi muto
292. Maisvokwadzo nyemba kutsva dzarungwa
293. Mazichimbochimbo anofara musi wafa kondo ziso
294. Makata anoshura materu
295. Makunguo zvaakatya akafa mangani
296. Makunun’unu maodza nyemba
297. Manakira kure mvura yemubvumbi
298. Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa
299. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi
300. Mangachena inoparira parere nhema
301. Manomano emuroyi kunyepera kutya dzvinyu akasungirira nyoka muchiuno
302. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru
303. Manzwi induru inouraya
304. Mapudzi anovira kusina hari
305. Mari ine chitema
306. Matakadya kare haanyaradzi mwana
307. Matanda makuru mazunguniswa
308. Matende mashava anovazva doro
309. Matukirwo ababa kunema mwana
310. Matsotsi haagerani
311. Mazivakwake-mazivakwake matoto echapungu
312. Mazvake-mazvake kudya kwembada
313. Mazvokuda kufa namaronda enyora
314. Mazvokuda mavanga enyora
315. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari
316. Mbeva zhinji hadzina marishe
317. Mboko chena yakaparira parere mhema
318. Mbira yakashaya muswe nekutumira
319. Mbiri matende inoputsika
320. Mbudzi inodyira payakasungirwa
321. Mbudzi kudya mufenje kufananyina
322. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa
323. Mbudzi yemurombo haibereki
324. Mharadzano dzakabva munzira
325. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu
326. Mhondoro kurura inotanga wayo
327. Mhosva haiori
328. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye
329. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa
330. Minwe misiyanwa
331. Miromo yavakuru haiviri pasi
332. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo
333. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira
334. Mombe yenjeni kutokama wakasungira
335. Moyo chena unobayisa
336. Moyo muti unomera paunoda
337. Mucheri wegurwe mutevedzeri, mudimbidziri anorasa mwena
338. Muchero wegudo unodyirwa kupedza
339. Mudzimu vakupa ronda vati nhunzi dzikudye
340. Mudzimu waro bonga kuwana huku dzichirwa
341. Muenzi haapedzi dura
342. Mugoni wepwere ndeasinayo
343. Mugoti unopiwa anyerere
344. Mukadzi oda kuramba murume anoshereketa
345. Mukono usingarwi unovanza ndowe nekukuma/nekumhanya
346. Mukuru mukuru hanga haigari pfunde
347. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa
348. Munhu akanaka haararame
349. Munhu haarerwi nebonde
350. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa
351. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa
352. Munongedzo hauzvinongedzi
353. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe
354. Muonerapamwe chuma yemuzukuru
355. Muramba kukombwa muramba hweni
356. Muramu inzungu yakateya gonzo
357. Murimi anodya amire
358. Murombo haarovi chine nguo
359. Murombo munhu
360. Muromo chipfukuto unopedza matura
361. Muromo haupi chinopa maoko
362. Muromo hauzarirwi nerwizi
363. Muromo kapako kekuhwanda nako
364. Muromo vavakuru hauviri pasi
365. Muroyi hana mugoni
366. Muroyi munhu kubayiwa anochemawo
367. Muroyi ndishe
368. Muroyi royera kure ugowana anokuviga
369. Murume akanaka asiri wako
370. Murwere haaeri
371. Mushambadzi haagari pasi
372. Musanyengerera makudo neanokamhina
373. Musha mukadzi
374. Mushonga haubati pasina ronda
375. Musikana chihambakwe asvika anokanda chibwe
376. Musikana isango rehuni rinotsvagwa naani nani
377. Musikana ishavhi, anoteverwa neshiri
378. Muswe wekutumira haurebi
379. Muto wetsenza ndiwo mumwe
380. Mutoro unorema wasvika
381. Mutsa worutsoka kuperekedza ziso
382. Mutumwa haana mbonje
383. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo
384. Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa
385. Mviromviro yemhanza inotanga shosha
386. Mviromviro yemhanza mapfeka
387. Mvura bvongodzeke ndiyo garani
388. Mvura haitori warema
389. Mvura inoera usinayo
390. Mvura inonaya yatanga hore
391. Mvura inoshinyira ndeiri pazambuko
392. Mvura yembambara tiza ichabva kure
393. Mwana asingachemi anofira mumbereko
394. Mwana mudiki in’anga
395. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi
396. Mwana washe muranda kumwe
397. Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda
398. Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi
399. Mwana wenyoka inyoka haina muduku
400. Mwanasikana ndimapfumise
401. Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa
402. N’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva kudya
403. N’anga hadzifarirani
404. N’anga haizvirapi
405. Natsa kwavabva kwaunoenda husiku
406. Ndakaziva haitingamire
407. Ndakazvida haichemedzi
408. Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
409. Ndezvehuru, doko dzinonyika miswe
410. Ndezvemeso muromo zvinyarare
411. Ndezvowabaya kuti chiropa hachiseveswi sadza
412. Ndima yabatwa yasundika
413. Ndima yasakurwa haidzoki
414. Ndingarega sei kununa ini ndiri parumano
415. Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira
416. Ndizvovo kanyama kaasina’mbwa
417. Ndoita nzwirapamuviri tsvimbo yarova dapi
418. Ndomene haichemedzi
419. Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti
420. Ndisekeizve murwere kuchenjedza anokurunga usvusvu
421. Ndumudzani hadzidyi mundiro imwe chete
422. Nerimwe zuva gava richadimbura musungo
423. Ngezvemo zvimbutu zvamaonde
424. Ngoma ndedzemiti kutsemuka tinoveza dzedu
425. Ngoma tamba vamwe vachatamba
426. Ngozi nehama hazvisiyani
427. Ngozi yerombe igandanzara/ijekakwose
428. Ngwena haidyi chabamba charo chinoza neronga
429. Nhaka mbuya ndeyemombe yemunhu inozvionera
430. Nhambetambe inoregwa ichanaka
431. Nhamo hadziiti mbiri
432. Nhamo haizivi pakagara imwe
433. Nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva
434. Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi
435. Nhamo ndimuuyandega semhanza (kumhara mumusoro)
436. Nhamo neman’a hazvisiyani
437. Nhamo urimbo inonamira
438. Nhamo yemombe kunyima mashanga iriyo yakarima gombo
439. Nhamo yomumwe hairambirwi sadza
440. Nhasi chineni mangwana chinewe
441. Nhasi ndini mangwana ndiwe
442. Nhava yebenzi haitani kusakara
443. Nhenha isibi inoroya
444. Nherera inoguta musi wafa mai
445. Nherera panorayirwa vana vevapenyu iwe inzwawo
446. Nhiyo kuenda kudzani huona mai
447. Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi
448. Nhumbu ibakwa rehuni inochengeta nyoka nemakonzo
449. Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya
450. Nhunzi haimhari pasina ronda
451. Njera yomusaririra ndiyo yeshiri
452. Nyadzi dzinokunda rufu
453. Nyakuravira ndiye anoziva kuti nyama yaibva
454. Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda
455. Nyika mukanza, haina mukwambo
456. Nyoka huru haizvirumi
457. Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara
458. Nzanga seka dumba, dumba seka nzanga
459. Nzara ishuramweni
460. Nzira ine minzwa ndiyo ine ushe
461. Nzira masanga
462. Nzombe huru yakabva mukurerwa
463. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo
464. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori
465. Nzvengende rumbudzi rusisazivi mafuro
466. Onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve
467. Pabva zino rave vende
468. Pachapwa madziva miramba tichanyurura
469. Pafa munhu hapashaikwi muroyi
470. Pagara murimi pagara mupopoti
471. Pakukutu hapaurayi
472. Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza
473. Pane machikichori miromo inovanda
474. Panobikwa mutakura panosara nyire
475. Panoda mwoyo nzira haisviki
476. Panodya ishe varanda vanodyawo
477. Panomera muswe panonyeredza
478. Pasina nyimo makunguo aizodyei
479. Pfimbi yegudo, gare-gare yapfukunurwa
480. Pfini yenyoka kuruma chaisingadyi
481. Pfuma yenhaka inoparadza ukama
482. Pfupa jena rakabva munyama
483. Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri
484. Rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma
485. Raramo idivakamwe
486. Rega kutsindira mwena unobuda ishwa
487. Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo
488. Regai dzive shiri mazai haana muto
489. Rima rinoshura chiedza
490. Rina manyanga hariputirwi mumushunje
491. Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana
492. Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo
493. Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi
494. Rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo nhureture
495. Roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve
496. Rugare tange nhamo
497. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo
498. Ruoko runogeza rumwe
499. Ruvhanzu-vhanzu kudya kwemhumhi
500. Ruzivo rwaMbuya vaSvodai kuraira vanoenda kudhorobha manhanga pachuru pavo achitowora
501. Rwizi rukuru madirano
502. Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya
503. Samungemunge musvuvuganda dzvinyu risina mbava
504. Sango rinopa waneta
505. Shambakodzi yakarindwa haiviri
506. Shanje dzinodya muridzi
507. Shiri ine muririre wayo hairegi
508. Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza
509. Soko harivhikwi
510. Svosve rakariga nzou
511. Swerokuvhiya nyama yemusoro
512. Takabva neko kumhunga hakuna’pwa
513. Tambai nezvimwe, nhava yen’anga/yanyanduri haivhurwi/haibatwi
514. Tambe tambe vanoda varivo
515. Taramuka panotamba dera
516. Tenda muchero ugowisa
517. Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo
518. Tenda wakohwa zvemunda wezunde
519. Tichaona kunowira tswimbo nedohwe
520. Totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi
521. Totenda maruva tadya chakata
522. Totenda nyemba tanwira mvura
523. Totenda yabikwa imba yepwere
524. Totenda yavira tsambakodzi yedemhe
525. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi
526. Tsenzi igara yadyiwa
527. Tsiru nzenzi manhenda waikama
528. Tsitsi dzemuroyi ihasha, akakuridzira tsamwa waregererwa
529. Tsuro haipunyuki rutsva kaviri
530. Tsuro iri pamutanda inosunungurwa newakaibata
531. Tsuro kotsa muromo
532. Tsuro kungwara kungwara zvayo asi haifi yakakwira mumuti
533. Tsvaru akadana tivu
534. Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara
535. Tswanda inorema yasvika
536. Twemudenhe tune ushorwi
537. Ubatebate hunourayisa
538. Uchenjere kudya nzungu zvese nemhutwa
539. Ugaro mwena kutevedza hunoguma
540. Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka
541. Ukama hahusukwi nemvura hukabva
542. Ukama hunonhuhwa
543. Ukama igasva hunozadziswa nokudya
544. Ukama urimbo kudambura haubvi
545. Ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo
546. Ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ parakazendama
547. Ukavona gudo ratota mahobi woziva kuti mubvumbi wabvira kare
548. Ukaravidza chembere nyama inofira musango
549. Ukuru hurema hahuvanzwi
550. Umambo hutambidzwana
551. Umba hwehosi husina marevere
552. Umhandara idambakamwe
553. Unaki hwemukadzi huri pamwana
554. Upenyu hwenungo irima
555. Upenyu imhindupindu
556. Upfumi idova hautani kupera
557. Ura mapako hunozvara mbava nemuroyi,
558. Urombo hune nherera kudya ikarutsa,
559. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo
560. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa,
561. Urombo uroyi hauudzwi munhu
562. Urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso
563. Usachenjedza n’anga kurapwa uchada
564. Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza
565. Usaguta ukasunda dura
566. Usakangira nyimo vane meno avo havo
567. Usakurumidza kumedza kutsenga uchada
568. Usakusha mbeu mvura yaenda
569. Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera
570. Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya
571. Usapinza munwe mumwena unobuda wareba
572. Usaruka nhava sora ratsva
573. Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
574. Usashore nyemba nedzinozvimbira
575. Usatamba nematope pasina mvura
576. Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya
577. Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva
578. Usavaka danga pasina mombe
579. Usaverenga mbeva nemudune
580. Ushe hauzvitongi
581. Ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe
582. Ushe hunonyanga dera
583. Ushe hunonyangira rema
584. Ushe husiirwana
585. Ushe idova hunoparara
586. Ushe imhute hunoparara zuva rabuda
587. Ushe madzoro hunoravanwa
588. Ushe muzhanje unokuva
589. Ushe vuranda
590. Usiku humwe hauodzi nyemba
591. Usiku igore
592. Uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo
593. Utsi hwenyama hautosvori
594. Utsva hworurimi hahuna marapiro
595. Uzivi wenzira huri mugumbo
596. Vadani ndivo vakani
597. Vagere pachavo vangonyinda
598. Vakachenjera havatsvairani mbeva
599. Vakachengera vanosima miti yavasingafi vakagara mubvute rayo/ vakadya michero yayo
600. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri
601. Vakafa havana chavakaona
602. Vakafa vakazorora
603. Vakakavira mhepo vachacheka chamupupuri
604. Vakamboonana havashayane
605. Vana vembwa havasvinure musi mumwe chete
606. Vana vengwena havakuriri mudziva rimwe chete
607. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa
608. Vari pachavo chikurikuri
609. Vari pachavo vanokwenyana
610. Varume ndivo vamwe kutsva kwendebvu vanodzimurana
611. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa
612. Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa
613. Vayanani ndivo varwi
614. Vimba nechako chemwango chekukumbira hachina ndima
615. Wabereka sekera muchitende
616. Wabva gwindingwi haachadyiwi namadzishe
617. Wadzvova aguta
618. Wafa wanaka
619. Waguta zvekupisa dura
620. Waita mbereko ada kusuka machira
621. Waita womutorwa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro
622. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure
623. Wakandicheka nerakagomara
624. Waniwa haichatyi kufamba mudova
625. Wanzi baba wada kamusha kake
626. Warara warara nemuromo wake
627. Watungamira haatori nzira
628. Wazarira bako mvura ichada kunaya
629. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva
630. Wekwemurume ndewe kwemurume
631. Wenhamo haachatyi kufamba murima
632. Wenhamo haaneti
633. Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haiorerwi
634. Yatsika dope/musheche yanwa
635. Zano marairanwa
636. Zano ndega akasiya jira mumasese
637. Zano pangwa une rako
638. Zano vaviri
639. Ziitakamwe mimba yousikana
640. Zino irema rinosekerera varisingadi
641. Zvaivana ngwarati kudya iwete
642. Zvakona n’anga murapwa achida
643. Zipfuko rambuya ziramba watonha
644. Zingizi gonyera pamwe maruwa enyika haaperi
645. Zino irema rinosekerera newarisingadi
646. Ziriwo rechembere ziramba waravira
647. Ziso haribi chomunhu
648. Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo
649. Zongororo kugonya zvaro asi shungu rinadzo
650. Zhundu kugara mudanga zvanzi ndava mombe
651. Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namavuya
652. Zuva rimwe hariodzi nyama
653. Zuva rimwe hariradzi munda
654. Zvaitika zvaitika bhurugwa rebenzi risingazivi mberi kana shure
655. Zvikomo zvemutunhu umwe ndizvo zvitambidzani zvemhute
656. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro
657. Zvinhu zviedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto
658. Zviri kumwene wegira kufuka kana kuwarira
659. Zviroto zviroto
660. Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso
661. Zviuya hazvivanani
662. Zviuya zviri mberi

10 Replies to “Tsumo”

    • Tsumo dzinoreva zvakasiyanasiyana zvichienderana kuti nyaya yako iri maringe nezveyi. Tsumo dzingangoda kuenderana neyako dzinosanganisa:
      – Muzvimbirwi ndiye nyakurwa nesasa
      – Nhambetambe inoregwa ichanaka
      – Zanondega akasiya jira mumasese

    • Tsumo zhinji dzinoshanda nedingindira renyaya yako. Tisingatarisi zvakavanda, tsumo dzinoenderana neyako dzinoti:
      1) Adenha mangwiro otogwinya
      2) Akanga nyimo awangarara

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*