Murambiwa

Paye parainyenga raihwarara,
Mavara aro achitaima sendarama,
Kana iro sadza taiseva neuchi,
Nyeredzi matsatse payaturuka,
Ndikati ndiyeye wandakarotswa,
Chido chemwoyo chandasarudza.

Ragarisika, zvino radzika midzi,
Ave madhunamutuna zuva nezuva,
Rongozhambatata parakazvambarara,
Zvave pachena, mavara aive eshato,
Nhamo mumba yapfunya chisero,
Tokwara ivhu nemuromo sehuku.

Mazita jahwi ndoshoropodzwa,
Murambiwa gotwe ravamuhure,
Akarambwa pamusaka pekunyima,
Tsvina, rwake ruwanze harutsikwi!
Kunhuhwa, mumba make hamugariki!
Unoona nenhunzi kuti makafira gonzo.

Nevasingakuzivi vanongobvotomoka,
Vanamuzavazi vagara vanongonyeya,
Marevo mavi, ndoudzwa magaramwoyo,
Nemeso matsvuku, ndopumhwa uroyi,
Neukasha, sevaivepo tichadana,
Weduwe-e, musawanza kutaura!

Vakanganwa kuti ravo ndiro dzenga,
Chidhakwa chinongotevera ndari,
Nepfambi dzaanoti usavi hwedoro,
Chisingazivi nepadiki kuti kune vana,
Vanoda kuriritira nekuyarutsa,
Unoshaya chaizvo kuti zvimbori pai!

Ini ndini wavo musikana webasa,
Suku nasai, ndoitwa mugandidzanwa,
Changu kupukuta ipo parutsirwa,
Taurai zvenyu, dzangu zvino dzadambuka,
Murambiwa ndotambira nemaoko maviri,
Handingagariri ivo mashura akadai!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*