Asi uchangondida

Zvandakaita zvinorova!
Zvagara zvichikuchemedza,
Zvino zvaunorambira padivi,
Chii chaunoona mudiwa?

Ndinokuregerera nguva zhinji,
Kana sirivha nendarama karibe,
Zvinotaima zvekukupa handina,
Wongoramba wakati neni nama!

Haudi kunzwa parere mwoyo?
Kunomhanyirwa nevezera rako,
Iko kwavanorohwa matumbu,
Zvaunongoswera pedyo neni?

Pfungwa dzamira kushanda,
Nyama kuunyana dzaneta,
Hapasisina zvitsva zvichabuda,
Ndangowa hari yofanzirofa!

Handizivi kuti unobvepi?
Kana mheno kwawakakurira?
Ndinotenda nekuvimba neni,
Vashoma kwazvo vanozvikurira!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*