Zviri mudzimba umu

Chepadare chagara munzeve dzavatorwa,
Chemumba ndochiri mumhepo,
Ndiko kunaka kwazvo nekuti pakukutu,
Zviri mudzimba umu, mabasa!

Kuzvireva paruzhinji zvinorema,
Wakwewa sanzu wakwewa namashizha aro,
Kuti rega pawakapfumbata zvonetsa,
Kuzvikurukura hunge vapotswa!

Musaone kunyenama mukati kuseka,
Chiri mumoyo chiri muninga,
Kunyemerera hazvirevi ese matambo,
Ukasadaro unoiridza mhere!

Chakafukidza dzimba idzi matenga,
Dai madziro aya aitaura,
Tainzvirira nekuonerera gore rino,
Kusvika todemba kuti akotse muromo!

Vekunze havazivi chatora nzvimbo,
Tichidya nhoko dzezvironda zuva nezuva,
Chirimo chino kurarira masekesa,
Pamoto takasasika omandikupfeke.

Kutukana nekunyombana,
Makakatanwa nekurikitana,
Tongofungidzira nairo ziso rakazvimba,
Kuti madeko akarohwa nemukadzi.

One Reply to “Zviri mudzimba umu”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*