Tariro

Mukutanga kwerino gore,
Taive netariro yekukunda,
Tiri pachedu tichikwenyana,
Tichiti zviuya zviri mberi.

Vazhinji vaiti mutambo vepwere,
Manyengedza pfungwa efodya,
Inozadza matama ose nehutsi,
Husingasviki nekuguru kwese.

Zvavo zvinotarisika sezvine urongwa,
Asika nzanga inokura ndeyerema,
Zvatiri pari zvino hazvinei,
Kugadzirira cheuviri mangwana.

Zvino zvawaraudzwa muto wegwaya,
Zvanzi mangwana ufire mudziva,
Simba mukaka shandisa iyoyi nguva,
Sekuti humhandara idambakamwe.

Usakadheerere kamoto kamberewere,
Kanopisa matanda nemasango mberi,
Ramangwana rakajeka toshura mare,
Patichapembera nedzedu nhureture!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*