Nhasi igoridhe

Zuro afamba asvava, rave vende,
Hakuchaendwi kana naani zvake,
Mangwana parizvino angori maroto,
Hausviki kana nyadenga akaramba,
Ndosaka ranhasi riri goridhe,
Rirarame zvakazara zvinogutsa hana.

Usashushikana nezvinonetsa nhasi,
Zvichapfuura sekuti uri parwendo,
Pembera kusvika vasvotwa moyo,
Zvamunoona hupenyu idandaro,
Dambakamwe chete seumhandara,
Rapfuura ranhasi dzangove ndangariro.

Takakurira chinhambwe kwaChatikobo,
Kwataipfimba mhandara nemadimikira,
Imba imwe yekutandara ndiyo yekurara,
Kurara here mumba yekubikira semugoti,
Kuona hambautare tichikura mashura,
Kutovhunduka kuti kunze kwashatei.

Nhasi toshora shashiko yakatiyarutsa,
Hembe dzatakaziva apa totevera bunha,
Imwe chete omandikupfeke gore rese,
Bhurugwa rimwe pamhuri yendume ina,
Atanga kumuka musi’wo ndiye anopfeka,
Chitaurirwa mbare dzekumusana!

Harare yaiwe nyikadzino kachana,
Yatakazoziva pano nekugona chikoro,
Kubva kupedza nyota kuenda padziva,
Tikati tiende mbune mhiri kwemakungwa,
Toswerobhururuka munhepo segondo,
Hembe kupfeka kamwe chete nekurasa.

Zvino tosvisvinaka mitauro yevamwe,
Kudzidzisa varungu kutaura chirungu,
Asi rwedu rurimi rwamai tonetseka,
Nekuti tairwutarisira pasi pakuyaruka,
Vana vedu vanhasi kana pakati “baba”,
Rudzi rusina rwavo mutauro rwakafa.

Hupfumi marangwanda, kudya namambo,
Mubhedha uko kurara wakachinjika ndiwe,
Mota mwana yake asika mazvakemazvake,
Vabereki kutukana nekuswedzana kumatare,
Rufaro hapana kuteyana nedovi segonzo,
Moshuva zuro makakomberedzwa nerudo,
Nhasi igoridhe rirarame zvinogadza moyo!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*