Gogogoi

Svikai svikai kani,
Titambire mwauya kwedu,
Hekani matenga hekani,
Tatsikwa ndihombarume,
Tisingafungire chokwadi,
Tibate, mwauya-a!

Bereka gumbo chikomana,
Paseri pechikomo kurumidza,
Baba pavarikuturika mikoko,
Vauye zvino mutungamidzane,
Uti sekuru vauya kubva kanyi,
Nehomwe izere gogoya.

Chimhandara isa huni pamoto,
Shambakodzi uzadze kuti tundu,
Ukuchidzire ikurumidze kuvira,
Ichidziya ubate jongwe riya guru,
Wotora katende kehupfu hwerukweza,
Ukasike sekuru ndofunga yoruma.

Kubva wagara mutonono vakomana,
Chibuda panze utambe nevamwe,
Sekuru vagare pachigaramakomucha,
Vachinyatsoti tende vature befu,
Uvape komichi vatonhodze moyo,
Kwavabva chinhambwe handipano.

Zviri kumbofamba sei chisikana,
Mumba macho zvairi mhute yegayega,
Huni inyoro here maita hutsi kudai,
Zvauri kuti bari bari furidza nesimba,
Rega kuti fendekete gara zvine mwero,
Ndati nditaure, kuziva mbuya huudzwa.

Garai sekuru garai zvenyu,
Bvisai bhachi rinoti nejiho piriwiri,
Mabasa kuvanda, kana nguva yekutsvaira,
Imi hamutsvi here nezuva rino,
Kuda kuchena here nebote pahuro,
He-he-he, seka hako muera shiri.

Gu gu gu gu gu gu,
Tichinyatsoombera zvakanaka,
Paane nguva, makadii sekuru,
Mavasiya vakadii kwamabva,
Mafamba henyu zvakanaka,
Haiwa, totenda nyatenga.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*