Munhanga nemugota

Pano une danga radzo mhandara,
Dzinorara sei munhanga gurumwandira kudai?
Ane mhuri kwayo ndeane ndume seni,
Imi mune mhurikadzi zivai kuti vatorwa,
Vachaenda mukasara matarisana nababa vemusha,
Ndipe zvako mbiri ndinopa majaya ekwangu.

Api, magwara ako aya!
Akazvimba maziso nekuswerodongorera,
Vanasikana vangu vachigeza kurwizi,
Kuti chimutanga tione musikana dzosaba,
Kungodonha rute pasina nenzwi rinobuda,
Ako majaya anofira mugota.

Kunyara ndekwedzinza, nhodzero kuna Samusha,
Vanotoda mikombe mitatu kuti vashame muromo,
Mhengeramumba, paruzhinji kungogara vakati zoo,
Dunhu rondipumha mupfuhwira hwepasi penyanza,
Havazivi parinongoti pote tava tega nditsuro magen’a,
Pane basa paye, unotoshaya kuti zvabva nepi.

Usatsvagiridza zvimhingamupini, kusatenda huroyi,
Tsapata rukukwe, utori naye zvake mujenandebvu,
Hauna dambudziko rehope kurota kwawakarambwa,
Ivo vaenda kundari isu tozvifadzavo kumaricho,
Pfuko dzekuzunde ramambo dzinoodza maheu sedoro,
Kushata kwezvimwe ndiko kunaka kwezvimwe.

Wazoti kudii nedama rakanaka randauya naro,
Rega kutsengatsenga, pamunhondo pamusasa,
Urikutambisa nguva ziendakamwe,
Murume murume haana tsvimborume,
Nhasi ndiri gwevedzi, chitomboti husahwira pasi tsve-e,
Siya ndikuchengetera pwere mwachewe.

Ronga zvifambe, umire kubata shaya,
Unoda ndimere man’a here nokufambira,
Dangwe rako rabva zera, ukavarairwa haribudi munhanga,
Anongotuta kamukwende kake, kwangu oita kugana,
Inga vani zvinonzi rooreranai vematongo,
Ndakuruma nzeve, asati aitwa musengabere!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*