Wakati zvinorwadza

Zvawaiti zvinorwadza?
Ichokwadi here ndiudze?
Buda pachena ma’mwana,
Ndakaiona ini ngwarati,
Namaziso angu aya, ndomene,
Ichizvara rakacheka nyika,
Ndakariwara, zvisina yambiro,
Ndonzwa neruzha kuti pu-u,
Pondoti tendeu, wanei yabara,
Iyo kana nepadiki kutsukunuka,
Rambei zvayo yakafuratira,
Sepasina nechatora nzvimbo,
Dai isiri imwewo yaiwe pedyo,
Yakazonongedzera nemuromo,
Kufura ingadai isina kumira,
Chirega kundibata kumeso,
Nditarise, mira kubwaira-bwaira,
Dzikama unyatsonditsanangurira,
Chokwadi chaicho chizere,
Zvawakati zvinorwadza?
Marwadzo ini ndinoaziva,
Bata moto uyo tione,
Kuti unodzokorora here?
Mira zvisina maturo, teerera,
Inzwa ruwanze kuchema pwere,
Uchingoti pagore mwana,
Pedze pindu woti zvinorwadza!
Kunyeperwa handidiba hangu,
Gara pasi undijekesere,
Kana wodzoka kwako kumusha?
Dzinza rose karibe musvinu!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*