Rufu

Tisvikevoka, nhasi zviri sei-sei?
Manheru ano ndinewe mwatyewe!
Ko-o, hini ndava kutsika madziro,
Ndakabvira kare ndichikushevedza!

Ndakatanga nekukutyora gumbo,
Ndichiti umire kusimbisa mwiri.
Zvino tava kutoverenga makore,
Mana, uchingokumhina uchienda?

Mukore uya ndikakusunga hura,
Ndikakupa chirungurira urege kudya,
Nekukubaya tsinga usiye kuzvidzokorora,
Hama dzikaramba dzichikutova mbabvu.

Pedze, ndakakudzingisa basa vani?
Zvichida ushaye mari neshamwari,
Utadze uwana kudya kune utano,
Pada, zvimwe ungafa nepfungwa.

Kukurerutsira, zvino ndakakupa chaicho,
Cheshuramatongo chirwere chemwoyo,
Kuti uzorore kufema chiriporipotyo,
Asi namanje uchiri pano, weduwe-e!

Ndazviona une mukonyo nhaika,
Hauoni wondishoresa pane vanhu.
Usiku huno ndauya ndega, mbune,
Tinoenda tose, kutotungamidzana!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*