Ndewangu iyeye

Ndakamuwana ndatambura,
Mibvunzo gumi nefararira,
Misodzi neropa zvaerera,
Kwagodobori ndabhadhara.

Kuna musiki ndagwadama,
Mune yechisikirwa ndakatama,
Kutsvaga wandinoda akadzikama,
Wandinodada naye zvakadzama.

Makore nemakore apindana,
Vawengi pachavo vapedzana,
Yavo moyo ine godo yapetana,
Handimusiye, rukudzo tinopana.

Iye anodidawo ndinozviziya,
Kungondiona muviri wodziya,
Hapwa dzake dzotanga kuswinya,
Nemuchando omimina ziya!

Tiri mapatya zvamunoona,
Aya pachiuno akabatana,
Kwaendwa iye neni kuteverana,
Nekuhuni hatisiyani kana!

Wangu wepamoyo ndinaye,
Wekuswera nekurezvana naye,
Ndewangu wavatsonya iyeye,
Tsvagawo wako wega, musiye!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*