Kusina vamai hakuendwi

Tisu majaya hatingaregi kuvhaira,
Ibasa redu kushamisira pane vanhu,
Kazhinji vemanzwi matete vari pedyo,
Asi parinopinda muna amai varo,
Ndipo patozeza kudzoka kuchizororo,
Kusina vamai hakuendwi!

Uchada kudya, kufuga nekupfeka,
Wotobika potse unowata nayo,
Husiku hwese vakapfunya makumbo,
Ihwo ngahurebe, hakuedzi here?
Mhandara woita zvekuonera muhope,
Gangaidzwa, kurota kweakarambwa!

Ipapo gumbeze porotanga kudziya,
Ingwe ndopodzorira, shiri dzichichema,
Mavambakuedza hutonga hwotsvuka,
Ini pepu, tende, simu, ndamuka!
Ndoshamba ivo ano mashambanzou,
Mucheka ndakagara ndasvatanudza.

Ndonanga kumarekete kwandakajaira,
Kunokokoroza, hameno chero chamuka,
Chanza choswinya, ndingangoita rombo rakanaka,
Nhasi ndikadzoka ndakapakata mazana,
Asi kunyanyanyanya chiya chigagairwa,
Chandakapfimba nezuro, chinondida chete!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*