Kupindana kwamakore

Hakuna shamwari pfumbamwe,
Dzinotamba makore mapfumbamwe,
Kupindana kwavo makore,
Nekuchinja kwezvivavariro!

Mafungiro ako egore riya,
Kana achiri iwo nanhasi?
Uri kutambisa nguva rako,
Mutoo, chinja maitiro!

Marwei ndiye mwana wemuno,
Haana kubvira ada kumbobuda,
Anongotenderera mumumana,
Zvino awe pamurume wechina.

Chemusaiziya awe mazvikokota,
Iko kwaanodya mavhidyongo,
Kudhorobhaka kwaanochonera,
Kudzoka kamwe pagore sekisimusi!

VanaTaurai hatichatauri!
Varovera mhiri nyikamukanza,
Vavo vabereki takacherera,
Mumwena sevasina kuzvara!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*