Pasipanodya

Pane angakwanisa kumisa zviroto,
Zvemwanasikana afunga twake,
Kuzvisunungura kubva munhamo,
Yamugare ndare paruzevha,
Paanodadirwa nevakaenda kare,
Vanodzoka nemeso machena,
Anotaima kana nemujiho,
Vakarova mucheno vamandiriri,
Zvino Maidei arota hupfumi,
Mari yebhazi yekuenda yarongeka,
Yekudzoka inoonerwa mberi,
Vadikani kudochema pachiteshi,
Moyo wake kare wazvipira,
Iko kumarimuka, mazivandadzoka,
Asika zvagara havisi nyore,
Kunyanyanyanya zvisina kurongwa,
Kusina hama neshamwari hakuendwi!
Basa harimuki zvekumhanya,
Pekugara panoda mutero vemba,
Pekurara kupawana potemesa musoro,
Zvino pane asisazivi nzira yekutsime?
Sebhazi rinokwirwa nevesevese,
Pasina nguva, nyama dzorwadza,
Chakati kuuya ichi chemamazuva’no!
Kwave kungokwenya, muviri wovava,
Kana shaya kutsenga zvonetsa,
Opona nemasvusvu sepwere,
Tunotapira rave bhanana raibvisa,
Roosvisvina senge ane mavende,
Chiona muviri wonhuhwa rufu,
Veukama nazvo vakatyamadzwa,
Chii chaizvo chaakasiira musha?
Kwoodzoka zvino kekupedzisira,
Nzvimbo yekuzorora vatochera,
Weduwe-e, pasipanodya!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*