Posted on: September 28, 2018 Posted by: admin Comments: 0

Iwe neni,
Sezvose zvakanaka,
Zvinouya zvakabatana,
Nyevhe nedovi,
Bhande nebhurugwa,
Mari nedumbu,
Chingwa nemajarini,
Solo naMutsai,
Iwe neni!

Chirenga kurebesa meso,
Womira kurerutsa chiunu,
Ndicho here chimanjemanje?
Chekumhanyidzana netsikombi,
Dzinopfuura sedova mangwanani,
Mombe nedhongi hazvikweverani,
Pfavira ngoma mumwe vangu,
Dzikama rwendo rwurefu,
Hunoda vayanani,
Iwe neni!

Nhasi wave duma,
Kubudikidza neni musimboti,
Asi ndoita sechimhingamupini,
Ndiwe vakwira kumusorosoro,
Une parefu pekudonha,
Woedza kubatira mashizha,
Zvoshaya basa watodonha,
Makore afamba wakwegura,
Kusimuka mabvi zvonetsa,
Usina wako mubatsiri,
Iwe neni!

Ndini chandavinga,
Chandabata ini handiregi,
Nyangwe ako magaramoyo,
Kundidaira nenzwi rine hasha,
Wondidzwokora neziso rinotaura,
Ndongokuchidzira moto wamhova,
Zvimwe pada ungabaka rimi,
Pano ndadzika midzi, handiendi!
Kupi kwekuenda kusina wangu?
Tiri tose mwachewe narini,
Murufaro nematambudziko,
Iwe neni!

Leave a Comment