Makumi mairi nemashanu

Kana ndisati ndakuziva?
Nguva kure gochaimatehwe,
Pedyo neni waingowepo,
Waiva muvakidzani wangu,
Kugarisana nekudyidzana,
Karekare makore tichifara,
Kusuduruka ndakatadza,
Nyamatsatse ndokucheka,
Ini pepu, mudikani wangu,
Ndiro ruva randasarudza!

Gonhi wakandizarurira,
Nemoyo unoda ukandipa,
Hadyana ndokuinambura,
Zvigunwe ndikananzvira,
Mukombe ini gudu-gudu,
Matunhu tose takagura,
Ndekupi kwatisakasvika?
Ingori tsika nditsikewo,
Nhengure ndipe bapiro,
Kumakore tikabhururuka,
Chitundumuseremusere!
Ipo pedyo nenyeredzi.

Padiki nepadiki takasiya,
Vabereki pamwe nevedzinza,
Kugadzira vedu mudungwe,
Takafunda kubva kuvakuru,
Kuriritira nekudzidzisa,
Zvino ivo votanga kutsauka,
Kutora dzavanovavarira nzira,
Mupfungwa rave zungaidzo,
Tasara tangotarisana pano,
Kudzoka kwazvakatangira.

Kukomborerwa mwachewe!
Zvatinoda zvose tinazvo,
Vana njere nerunako,
Vane tsitsi nerukudzo,
Zvese nzeve nerutsigo,
Vakarerwa nevedu vabereki,
Sekuru nambuya vane nyasha,
Nevose vakoma nehanzvadzi,
Vazhinji vangori nepfuma,
Isu takakomberedzwa nerudo!

Hongu pane nguva yekusuva,
Ndiyoyo nzira yekurarama,
Zvirizvo izvo zvaikuchemedza,
Ndizvo zvakakusimbisa hana,
Kudzikisa pfungwa, kupepeta,
Zvakakosha nezvisina maturo,
Mune upenyu hwakapfuma!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*