Mwaka

Ndiro Zhizha yonaya yemheni nemabhanan’ana,
Ngava naSaManyika mungoonana ano Maenza,
Mbudzi pazamu, Zvita mabiko neNdira mumunda,
Patinoshanyura makura nekudyara minda yose,
Pedze kutora muzira pakusakura nekukofora,
Hapana inofura iwete mabasa gumi nefararira,
Parinopera Zhizha matura anenge ozeyama,
Asi mbesa dzitsva totanga kunhonganhonga.

Matsutso ndiye KKK: Kukadzi Kurume Kubvumbi,
Maguta kune vakarima sekuti mbesa dzaibva,
Kune nyope inguva yekuruta nekukumbirisa,
Kukadzi oita maminimini ekunyima evanhukadzi,
Ndume dzotevera neadzo mashiripiti aKurume,
Hanzi ndodanirwei ini ndagutira mumunda kare,
Kwotevera Kubvumbi painonaya yekupedzisira,
Ino nhete isingazorori kupfunha isu tichikohwa.

Chando chichichi: Chivabvu Chikumi Chikunguru,
Todunguzira Chivabvu chakanaiwa nemubvumbi,
Chokosha chinyoro vazhinji vatotanga mhandire,
Patinenge tichiponda chibage nekupanda nzungu,
Chikumi chando chobvunza mutupo, kutorara uchibaka,
Zvirimwa pamatara patakazvisasika zvanuna,
Chikunguru nemavara ake enhunguru wodadisa,
Patinopura nekuurusa zviyo mutsapi tichirongedza.

Chirimo kuzorora mazhinji mabasa emumunda,
Asi hazvirevi kugarira maoko nekutevera ndari,
Nyamavhuru kurongedza matura nekusarudza mbeu,
Rwuchivhuvhuta ruwanzamatare tichigadzirisa minda,
Gunyana painonaya yegukurahundi togadzira musha,
Nekutsvaga huni kumabakwa kwadzinorira nyenze,
Gumiguru rouya nemunakamwe munongedzo weZhizha,
Kubva pano wave mutserendende kune vakagadzirira.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *