Ngativake musha

Chada mwoyo hachikoni,
Kana kugara handichagoni,
Chionaka zvandafunga wena,
Iwe neni kubva tovadzana,
Ini zvangu ndinokuda chose,
Ndodada kune vamwe vose,
Kubva nhasi kuenda mberi,
Misi yose nekusingaperi,
Pafunge, tarira uoneka!
Kumirira zvirango kwononoka,
Tiri kubikirwa nevakaguta,
Wave kuchemberera mugota,
Ukaona gudo ratota mahobi,
Woziva vabvira kare mubvumbi,
Chirega kungoti gwe-e, kugara,
Kudyira uroyi mukunyara,
Wotongoita musengabere,
Rinonyura ndave muberere,
Ndokupakurira yako wega mbiya,
Kukuzvarira mhandara nemajaya,
Vatanhatu, kana kuraudziraka?
Ndoita kuguma ngenyoka,
Hombarume seako madzisekuru,
Nehurudza kunga madzitateguru,
Chihwa, dzinza reumhare,
Rotunhuka kusvika kumakore,
Rwuya, ngatitange rwendo rwedu,
Kuvaka tega musha vedu,
Rega zvavo kana vakafinyama,
Imbwa mbiri hadzibvutirwi nyama,
Iwe Baba, ini Mai Munyebvu,
Dzagara dzinonanzvana hobvu,
Wotoshinga, kufa hakuurayi,
Apa, wangu, panga pakaipei!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*