Yanaya rave jezi

Takaribika doro paMasoso,
Ropa raMusikavanhu rofadzwa,
Bva isu vanhu toropafadzwa,
Chiya chamupupuri chamaichiva,
Rotevera kuvhuvhuta dutu guru,
Yakazonaya dzvotsvotsvo kumakomo,
Yechimvuramabwe, matsanza semazai,
Rave jezi, rwizi rwofashamira!

Rarai kani vasikana, munomhanyirei?
Ipo parupasa tichikurukura chinyakare,
Chipitipiti akazvara chimwandamwanda,
Munoeredzwa tambokuyambirai kudai!
Moda kutirovesa mhere yamazhambe,
Tinozviziva kuti muchangobva kuvanikwa,
Imba dzamuchaita zvekuramba manjemanje,
Pedze motizwa navo vamunomhanyira!

Imi vakuru munoda kuedza kudini?
Manatsamukanwa endonda kurota ichiyamwa,
Manonoka kukanda nhano, mukana wapfuura,
Haisisiri nguva yekuyambuka, rwashatirwa,
Minda yemudimba yose tarirai yakukurwa,
Kwozoti imi zvenyu nekudhakwa kwamakaita,
Naro gosoro ramunaro semuchapfira bapu,
Kutorara kuno mhiri mozomukira rwaserera.

Majaya aya indururani ngavasadaro,
Misikanzwa chaiyo kushamisira,
Kuyambuka vakabata muswe wemombe,
China manenji hachifambisi,
Pairi nhasi hapajairiki, yofemera pamusoro,
Yakoromora nzombe mbiri takatarisa,
Ngavadzikame hana, zvinopfuura izvi,
Chimwe nachimwe chine nguva yacho.

Kwodoka, kana iyo mhepo yopitirira,
Raenda zuva rinopisa kuti mvura isasauke,
Iro ivhu rabatwa nechando, yamira kunwirira,
Asi chisingaperi chinoshura, inoserera chete,
Kana roti kwii mangwana rudziyakamwe,
Idzo hove dzakandirwa kumahombekombe,
Kungofumojorera tichikandira muhari,
Chavira pasi mudzimu vembwa!

 

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*