Zvepano

Ndezvekungonyengerera,
Nguva dzese kungokumbira,
Kuti ma’mwana swederai pedyo?
Zvanzi zvipi, moda kudini kwacho,
Kubva mukai muende kumunda?
Tana, vachamuka nguva yavanoda,
Zvino mutsai zvenyu vana vandibatsire?
Hunzi regai vambosesedza hope,
Gara waziva havabati zvinorema,
Vanoguka musana vakatadza kuzvara,
Tungamirai nemukomana wemombe,
Kusaziva kudzidzisa vevamwe basa,
Venyu vekubereka vakazvambarara,
Iyo rayiro yangu kana kuteerera,
Mudhara zvanzi kukura, anopenga,
Kupinda nedivi richibuda nerimwe,
Mangwana pano kana ndati tasa,
Nhaka yangu yose yongoparara,
Wemombe uya azadza rake danga,
Momupomera humbavha nehuroyi,
Makanganwa pamaiteerera nyama,
Iye aidzidza upenyu kurarama,
Zvepano ndezvekujaidzwa,
Nhasi hapadyivi rinopisa!
Mukai, mukai iye zvino!

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*