Zvandishaisa hope

Ndarivana gangaidzwa mukwenyi,
Mhezi yavavira mune wangu moyo,
Chigagairwa, chiunu chinenge chego,
Zvino ndongoumburuka siku rose,
Mangu mupfungwa haazorori kumhanya,
Kaguchu-kadende, zviuya muroora vamai,
Zvomene, mwana andishaisa hope!

Ko, ihwo husiku zvaunenge gore?
Kunoedza rini, ndakuwara nechisuwo,
Ndomuhwandira kutsime ari mashambanzou,
Podzobvunza shamwari kuti asi chii nhai?
Mukati rume rako dzakakwana shanu?
Vamwe vachifumoshanyura makura,
Iye kwati negwenzi kuhwandira mhandara,
Kuti ndisimuke ndabatwa nechiveve,
Nyadzi dzokunda rufu ipo pandakachochomara,
Ndongoita mudyanemeso, kudonha rute,
Kwake kufamba hutekaira, pashaya chinoshoreka,
Chokwadi rudo rwandishaisa rugare!

Ndagara handizezi basa,
Kukama, kurima kana iko kusakura,
Asi ndingoripo panyama, mupfungwa ndiri kure,
Vakoma vokatyamadzwa nezvapinda munzeve,
Pakuti ndamupindura dondo!
Abvunza nguva inotanga chikoro,
Ini ndanzwa kuti, “uchamuona nguvai?”
Ndikati rufuramhembwe kana rorereka,
Ndichikokorodza mombe iye achiteza huni,
Ndokunge ndichiri mupenyu,
Sekuti chisuwo chondisweta mafuta!

Zvino mudhara ovhiringa zvirongwa,
Kuti ndimuperekedze kudhorobha nhai,
Tinotenga zvipfeko zvitsva zvechikoro,
Chaita chivhundu charovesa yangu hana,
Nei asarudza iro zuva ranhasi?
Haazivi ndaushaira hope uno mukana?
Rwendo rwekubhazi ndongocheuka-cheuka,
Kuti pamwe achangoti nepadivi pfocho,
Ndomutsanangurira mamiriro enyaya,
Tsvarakadenga isati yandigumbukira,
Pandichaigarisa guyo sembwa!

Kuti yarukei, tava vanamuzivazvose,
Tofunga tokwanisa kusimudza dzimba,
Nduma tatakura kuenda kuna tete,
Vobvunza twakawanda, yoita zvekunaya,
Ko, unomuchengeta nei?
Ko, madii mamboti mire-mire?
Ko, gumbo rako rakambotsika pachikoro?
Ko zvino wakaperera gwaro ripi?
Ko pfuma, une marii yeroora?
Ko, ndiani wako samukuru ?
Ko, kutsvaga basa zvinoita vamwe?
Wangu muviri wodedera serutsanga,
Sekuti ndashaya kana neremuromo!

Ndikati zveurongwa zvingandinonokera,
Kwedu imbwa tinodya iri hono,
Chinouya ngachiuye chione ini,
Nditakure tiende, ndoita musengabere!
Rakazopota agara muraimbove gota,
Kwenguva shomana, hongu takambofara,
Akabaira rake gokora pane changu chipfuva,
Nyangwe ndiripi, pangomuka kamukana,
Ini uyo tande, ndomhanyira kumudikani!

Pedze pindu, mutambo vatsvuka ropa,
Kwaive kupembedza n’anga ichabata mai,
Pwere dzochemera kudya nekupfeka,
Mbesa dzasvava, mvura yaramba kunaya,
Basa kutsvaga kwese raramba kumuka,
Mukadzi mukuru oshushira tunonaka,
Zororo mudzangu pfungwa ratama!

Zvino chiona maminimini otevera,
Hapana anoziva nechamugumbura mwongo,
Kutanga uchatukirwa nechemumoyo,
Yopupira nyunyuto kusvika aridza tsamwa,
Dakara kuedze achipupuma furo,
Wototsikitsira ungabvumburudzwa parufu,
Woshaya kuti chii chaizvo chatora nzvimbo,
Ndiye here uya wandairwarira?

Kunaka kwemurume imombe dzake,
Hwangu hurombo haarowi chine nguo,
Shanje dzomukurira zvanzi wasvipirwa uripi,
Otsvukisa maziso, ndoudzwa magaramoyo,
Ondinemera hunyope hunotadzisa mvura kunaya,
Zvonzi ndakanzwengwa nechikoro ndichimutevera,
Ndopeta muswe sekuti ndakanyangira yaona,
Chinguri ndamutarisa, yangove fungiramumoyo,
Chikonzero chasiyana asi ndichangoshaiwa hope!

Mambakwedza, wangu muviri wakati rukutu,
Wotodza nei, pfungwa nenyama hazvina zororo,
Kana iro basa ungaribata chirudzii?
Ipo pane vamwe unoushama sei?
Paanongoti mha-a, ini uyo simu, tasa!

Paita kamari ndiyezve mubatiwehomwe,
Ndopumhwa umbavha kuti ndatora shereni,
Inzwa, “Pano handidiba kana nguva yakwana,
Munhu ngaabvirofambafamba zvake mhaiyo!”
Ko, ndodzingwa pamusha pangu here?
Hongu, shereni ndini zvangu ndatora,
Gunguo rakapona nehwakumukwaku,
Ndaiti pandari zvimwe ndikatengawo mukombe,
Pada ndingakoshiwa nhamo kwechinguvana,
Dzokono ndobiwa nehope pandakazendama madziro!

One Reply to “Zvandishaisa hope”

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*