Kuya kutsime

Kuya kutsime,
Zuva nezuva,
Kukwira nekudzika,
Kaviri kana katatu,
Kunochera chinwiwa chanyadenga,
Pakuti tiri mvura patimire!

Pawainzi enda kutsime,
Udzoke wakadengezera,
Mugoro wakati pamupamu,
Dzikama irege kufachukira,
Zvaisava nyore bodo,
Kwaitove kusunga dzisimbe.

Kuzoti wati yarukei,
Masamba zvino asiyana,
Zvoreruka, basa wajaira,
Wobvuma rwendo une rwako mberi,
Mukana wekuona wako mukomana,
Musoro padivi nekunyaririra,
Musasa wopinda basa kupurwa mashizha,
Kusvika bazi rave shamhu!

Waiti uchazvarawo dzako,
Mhandara shanu zvivhindikiti,
Dzokuyamura mabasa epamusha,
Kunyanya kuenda kuya kutsime,
Zvino zvavapararira nyikamukanza,
Zvakare woshaya mubatsiri,
Kutsime wotozviendera,
Potse ungatorara nayo!

Chinokura chinokotama,
Musoro waro gudo tonokoresa,
Makore apindana, bvuma wakwegura,
Mabvi kugonya zvorema,
Makumbo ave matanda,
Kufamba wotoda matatu,
Mvura inokosha usinayo!

Kuya kutsime yave ngwavaira,
Rwave rwendo rwezuva rose,
Nekachigubhu kanokwana yekunwa,
Yekubikisa wotovimba nevavakidzani,
Kushamba kwokosha sendarama,
Kamwe pagore hembe yenherera.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

*